Kwayedza

Kutapira kunoita mari yemhiripiri

Mhiripiri

Muchaneta Chimuka

KURIMA mhiripiri kunonzi kunogona kupa murimi pundutso yakakura zvikuru kana dzikarimwa nehunyanzvi sezvo dzichidiwa zvakanyanya kumisika yekunze inosanganisira kuGermany nekuKenya.

Aya mashoko emurimisi wemiriwo kukambani yeSeed Co, VaTony Moyo vekuMatabaleland pamusangano mukuru weSeed Co Vegetable Trail Site uyo wakaitwa munguva pfupi yadarika kuStapleford.

“Tine mhando mbiri dzemhiripiri dzinoti Serenade F1 (hot) inova inokura zvakanyanya ichivava zvikuru kuchizoti Thai Bird Eye ine mhiripiri diki dzinovava zvekare. Pakudyara mhiripiri, zvinotora mazuva 75 kuti dzikure nekubereka. Tine dzimwe mhando dzinosanganisira Demon neRed Thunder dziri nyore kukohwa nekuti dzinoburitsa vana vadzo kunze uye dzine rukanda rwutete-tete zvinoreva kuti kana tikadziisa pazuva, dzinokasika kuoma.

“Kuvava kwemhiripiri ndiko kwakakosha kumisika yemhiripiri,” vanodaro.

VaMoyo vanoti mhiripiri dziri nyore kurima nekuti hadzibatwe nezvirwere nekukasika uye hadzidi mvura yakawanda nokudaro dzinogona kurimwa kunyangwe munzvimbo dzinopisa dzisingakanganiswi nekusanduka kwemamiriro ekunze.

VaTony Moyo

“Mhiripiri dzedu munyika muno dzinotengeswa kumisika neUS$1.50c pakg imwe neimwe asi kana dzichinge dzaendeswa kune dzimwe nyika dziri kutorwa neUS$4. Ndiko kusaka tichikurudzira varimi vedu kuti vanyorese kupinda muzvirongwa zveGobal Market Certification rinova gwaro rinovapa masimba ekuti vakwanise kutengesa zvirimwa zvavo kunze kwenyika pasina dambudziko,” vanodaro.

VaShem Odadah vanova product development officer kuSeed Co vachishandira kuKenya vanoti kunyika kwavo mhiripiri dzinotengwa nemari yakawanda.

“KuKenya, tinotenga mhiripiri neUS$10 – $15 pakg kureva kuti tine misika mikuru kuvarimi vane mhiripiri yemhando yepamusoro. Pakukohwa mhiripiri, tinokurudzira kuti varimi vasabvisa zvimuti zvinenge zviri kumberi kwadzo kuitira kuti dzirambe dzakanaka.

“Musabate kumeso nekuti zvine njodzi munogona kuzvikuvadza maziso nemhiripiri saka zvese zvinoda kuitwa nehungwaru,” vanodaro.

Zvakadaro, varimi vanosvika 600 vekunzvimbo dzakasiyana kudunhu reManicaland vanonzi vari kupunduka nekurima mhiripiri vachibatsirwa nerimwe sangano mukutsvaga zvikwereti kumabhanga pamwe nemisika yekutengesera zvirimwa zvavo.

Varimi ava vanosanganisira vari kuNyanga neHonde Valley avo vari kutsigirwa mukurima mhiripiri yemhando yeTabasco Chilli nesangano reUSAID.

Sangano iri riri kubatsira varimi ava pasi pechirongwa cheZimbabwe Agricultural Income and Employment Development Programme (Zim-AIED).

VaTafadzwa Mutsamwira, avo vanorima vari kuNyakomba Irrigation Scheme kuNyanga, vanoti upenyu hwavo nehwemhuri hwavandudzwa zvikuru kubva zvavakatanga kurima mhiripiri makore mashanu adarika.

“Ndaisimborima zvimwe zvirimwa zvakaita sebhinzi nenyemba asi nhamo yaingoramba yakapfunya chisero mumba mangu. Kubva zvandakatanga kurima mhiripiri, nhamo yakabva yatiza,” vanodaro VaMutsamwira.

Murimi uyu anoti pari zvino akakohwa mhiripiri inosvika matani maviri uye ari kutarisira kuwanazve imwe tani kubva mundima yaari kukohwa.

Mhiripiri yemhando yeTabasco inonzi inofarirwa zvikuru kuUnited States uko yakatangira kurimwa.

Vamwe varimi vari kupunduka nekurima mhiripiri ndevekuGokwe avo vanodarika 1 000 vachitengesa chirimwa ichi kukambani yakazvimirira.

Vari kurima mhiripiri yemhando yeAfrican Bird Eye vachizoitengesa kuBetter Agriculture Company iyo inozotengesawo kune mamwe makambani anoita zvekubika munyika muno nekunze.