Kwayedza

Mabikirwo echimodho

CHINGWA chechimodho icho chinobikwa negorosi chinonaka uye chinogutsa zvikuru, kunyanya kuvanhu vanoshanda mabasa makuru sekurima. Svondo rino Mai Mawadza Kunhedziwa vekuChimanimani vanorondedzera mabikirwo echingwa ichi.Zvinodiwa:

Wozodii?
Sanganisa hupfu hwegorosi nemunyu uye shuga yakaringana uchikanya nemvura. Chisanganisa nembiriso wosiya zvichifuta kweawa rizere wakapfidigira nemuvharo.

Tora bhodho kana pani wozorera mafuta pasi, woisa gorosi rawakanya. Vhara zvakare kweawa rimwe chete, woisa muhovheni inopisa 180 degrees celsius.

Kana usina hovheni, unogona kushandisa marasha aunoisa pasi nepamusoro pepoto. Chipota uchitarisa kuti chimodho chako chaibva here.

Kuti uone kuti chaibva, chinofanira kuita ruvara rwakatsvukira (brown), unofanira kubaya nebanga rakachena pakati kana rikabuda rakachena zvinoreva kuti chinenge chaibva zvakanaka.

Chibura chimodho uise mundiro yakachena upakurire mhuri.

Chimodho chinonaka uye ugonona kuzora dovi, majarini kana jamu wodya uchinwira-nwira zvako nezvinwiwa zvaunoda sesvutugadzike.