Kwayedza

Mai Sorobhi vashaya

Mai Sorobhi

Malven Mugadziwa

SHASHA yemadhirama yakaita mukurumbira mumadhirama anosanganisira rinonzi Parafini – Rhoda “Mai Sorobhi” Mtembe – vashaya nhasi.

Vange vave nemakore 79 ekuberekwa.

Muzukuru waMai Masorobhi, Admire “Bhutisi” Kuzhangaira, anoti ambuya vake vashaikira kuchipatara cheSally Mugabe Central Hospital mushure mekutambura nedambudziko rekuoma mitezo.

Vanhu vakaungana kumba kwavo kuKuwadzana Etension muHarare.
Mai Sorobhi vasiya vana vanomwe nevazukuru vakawanda.

Zvizhinji zviri kutevera.