Kwayedza

Makwikwi eAfrican Woman of the Year

VANHUKADZI hounoi mukana wekuti muhwinhe mibairo mikuru yakarohwa nechando mumakwikwi eKwayedza African Woman of the Year.Tumirai mifananidzo yenyu makapfeka mbatya dzezvipfeko zvemuAfrica (African attire) kuKwayedza, bepanhau revanhu, kuti muve nemukana wekuhwinha mibairo inosanganisira zvitofu, mazakwatira emari pamwe chete

Ellen Goora, Mutare

nemachira ekusonesa zvimwe zvipfeko. Mifananidzo iyi ngaiperekedzwe nefomu rinenge rachekwa kubva muKwayedza.

Maria Tsitsi Rice, Harare

Musakanganwe kupedzisa mutsara uri pafomu iri uye kuisa zita renyu, nhamba dzepamunogara pamwe chete nedzenhare. Zvakawanda nezvemakwikwi aya onai sekushambadzwa kwazvakaitwa pazasi. Mifananidzo inotumirwa ichaburitswa muKwayedza svondo rega-rega dakara tasvika pakuhwinwa kwemibairo gore rino.

Tsungai Chigubu, Harare

Madzimai pindai mumakwikwi aya muhwine!