Kwayedza

Mamwe mabikirwo emaguru

Nyama yemaguru

Muchaneta Chimuka

NYAMA yemaguru emombe husavi hunofanirwa nevakawanda zvikuru uye huri nyore kubika.

Svondo rino Mai Tinashe Sochisi vekuKadoma vanotitsanangurira mamwe mabikirwo emaguru zvine musiyano.

Zvinodiwa:

Poto, chikari, pani, nyama yemaguru, hanyanisi, matomatisi, dovi nemunyu

Mabikiro:

Tora nyama yemaguru wocheka kuita zvidimbu zvakanaka, suka matomatisi nehanyanisi wocheka muzvidimbu zvidiki.

Gadza poto, chikari kana pani pamoto woisa nyama imomo nemvura shoma.

Rega zvimbokwata kwemaminitsi makumi mana uye kana mvura yapera isa hanyanisi nematomatisi.

Ramba uchikanga kwemaminitsi gumi, isa dovi zvipunu zviviri nemvura woramba uchikurunga kusvikira zvave kukwata segwata-gwata.

Raidza kuti zvaibva here wobura.

Munogona kudya nesadza remhando yamunoda.