Kwayedza

Manhuchu ane dovi

Manhuchu

MANHUCHU chibage chinotswiwa kana kuti kudzvurwa kuti rukanda rwekunze rwubve. Manhuchu anongobikwa sezvinoitwa mangai asi achizomonwa nedovi kana kuisa muto.

Kudya kwemanhuchu kwakakosha nekuti ane macarbohydrates nemapuroteni ayo anovaka muviri.

Svondo rino Susan Chekero wekuZaka, kuMasvingo, anorondedzera mamwe mabikirwo emanhuchu.

Zvinodiwa:

Manhuchu, dovi, mafuta, mvura, munyu, chikari nemugoti.

Mabikiro:

Geza manhuchu, woisa mvura muchikari wogadza manhuchu pamoto.

Siya akwate kusvika aibva, wozoisa mafuta nemunyu.

Kana zvaibva isa dovi womona kana kubikira muto parutivi.

Wozodii?

Chibura munakirwe nemhuri. Manhuchu anogona kunwiswa tsvutugadzike kuti zvinyatsodzika.

 

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.