Kwayedza

MAONERO EDU: Chivi chinodya mwene wacho

SVONDO rino tine imwezve nyaya inosuwisa pamwe nekushatirisa zvikuru. Iyi inyaya yevanhu dzinza rose vanonzi vakagusiswa vhudzi rose riri pamiviri yavo iro rakazoendwa kuimwe n’anga kuti rinogadzirwa.

Dzinza rose iri rinonzi rakabvisiswa vhudzi iri zvichitevera matambudziko avaisangana nawo. Chinoshamisa ndechekuti hapana anoziva zvakazoshandiswa vhudzi iri nen’anga iyi kunze kwababa vanonzi ndivo mukuru mudzinza iri, avo vanonzi ndivo vakaenda naro kun’anga.

Nyaya iyi yakazobudira padare rasadunhu apo vanasikana vaviri vemumumhuri iyi vakanomhan’arira baba vavo vachiti vakavashandisira mishonga yekuti vatadze kuroorwa.

Panyaya iyi zvinokahadzisa kuti chokwadi dzinza rose ringanzi riguse vhudzi remumusoro nerimwe rose vachibvuma?

Pavaigusa vhudzi iri vachipa baba vemhuri iyi kuti vaende naro kun’anga vaiiti vari kuitei?

Zvinoreva here kuti pakashaya kana mumwe chete akasimudza musoro kuti kwete zvinhu zvakadaro hazviite?

Nhasi uno pane kuti vedzinza iri vabatsirwe pamatambudziko avaiva nawo, atowedzera. Ichi ngachive chidzidzo kune vamwe veruzhinji kuti kuromba hakubatsire uye zvakafanana nekurumwa nechekuchera.

Vemudzinza iri pavaiita zvinhu zvavo pakutanga zvaiitwa muchivande asi zvakazobuda pachena kuti nyika yose izive.

Semaonero edu, veruzhinji havafanire kungotevedzera zvose zvose zvavanonzi vaite nen’anga kana nemaporofita nekuti vamwe vacho ndevenhema.

Tinodaro nekuti vakawanda vari kuzokungura mushure mekunge vanyengedzwa nen’anga kana nemaporofita aya asi inenge yave mvura yeguchu isingadyorerwi.

Hatizive kuti sei veruzhinji vasingadzidze kuti nyaya dzemishonga idzi kuzvisikira moto muziso uye kuti chivi chinodya mwene wacho.

Svondo rapera taive nenyaya yemumwe murume nemukadzi wekuHighfield, muguta reHarare, avo vakanoromba kuMozambique nechinangwa chekuti vapfume.

Vaviri ava vanoti vakapihwa chikwambo chegonzo icho chairutsa mari asi vakazotadza kutevedzera mhiko dzavakaudzwa nen’anga yakavapa mushonga uyu zvikazoita kuti murume wacho arware.

Kuratidza kuti vamwe vanhu vanoita zvose zvose kuti vapfume, mukadzi wemurume uyu paakaenda kunotsvaga rubatsiro kune imwe chechi akati aingoda chete kuti murume wake aporeswe asi gonzo ravo rorega kuuraiwa kana kuti kupiswa.

Akati vachiri kuda kurishandisa kuti vambopfuma.

Izvi zvakaoma izvi! Munhu ungade kupfuma nenzira yakadai iyi?

Chisingazive vamwe vanhu ndechekuti mishonga yose yekuromba inoita seyakanaka pakutanga asi hazvina kumbosiyana nekuchera nyoka nemuromo.

Munhu idya cheziya uye hazvina kunaka kuromba mishonga inozoparira vana nevamwe vose vedzinza mune remangwana.

Veruzhinji ngavasangotevedzera zvose zvavanoudzwa nen’anga kana nemaporofita nekuti mangwana vanozochema.