Kwayedza

Marangwanda emunhu aonekwa paNUST

Mapfupa anofungidzirwa kuti ndeemunhu akawanikwa paNUST

Flora Fadzai Sibanda

MAPFUPA anofungidzirwa kuti ndeemunhu aonekwa ari kuseri kwedzimba dzinogara vadzidzi paNational University of Science and Technology (NUST), kuBulawayo.

Mapfupa aya akaonekwa nemusi weChina svondo rino.

Marangwanda aya akaonekwa nemumwe mushandi weBulawayo Fire Brigade avo vaiva vadaidzwa kuti vazodzimure moto waive wabatira panhandare yeyunivhesiti iyi.

Mapfupa aya anofungidzirwa kuti ndeemunhurume sezvo pakaonekwa bhurugwa rechirume rasakara panzvimbo iyi.
Pakaonekwa zvakare helmet yaive pedyo nemarangwana aya.

Director of communication and marketing weNUST, VaThabani Mpofu vanoti mapurisa ari kuferefeta nyaya iyi.
“Nyaya iyi iri mumawoko memapurisa ayo ari kuferefeta. Zviri nani kuti muedze kutaura navo,” vanodaro.

VeBulawayo Fire Brigade pamwe chete nemapurisa havana kukwanisa kutaurwa navo pamusoro penyaya iyi.
Asi mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti nzvimbo yakawanikwa ari kufungidzirwa kuti mapfupa emunhu iyi haiwanzodarika nevanhu.

“Hapana anoshandisa nzira iyoyo sezvo isango risina vanhu. Kudai pasina moto uyu, marangwanda aya angadai asina kuwanikwa,” anodaro.

Mumwewo anoti moto uyu hauna kusvika paive nemarangwanda aya.

“Moto wakamira pamberi pemapfupa aya. Moto wacho wakanga wakasimba zvikuru nokuti wakaparadza zvakawanda.
“Murume akaaona anofungidzira kuti mapfupa emunhu uye akabva ashevedza vamwe vake vakauya vachibva vazivisa vakuru veyunivhesiti,” anodaro.