Kwayedza

Marcy Janyure auya nezvitsva

Marcy Janyure

Abel Ndooka

MUIMBI ane wemusambo weAfro-fusion – Marcy Janyure – otora chikamu chikuru panyaya dzekurwira kodzero dzevana zvichitevera kubura kwaakaita kambo kake katsva kanonzi “Mwanangu”.

Janyure anoti remangwana revana vazhinji riri kuenda mudondo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana saka iye semubereki, mwoyo wake unorwadza kuona izvi zvichiitika.

“Zvakakosha kuti isu sevabereki tishande kuona kuti tagadzirira vana vedu remangwana ravo rakanaka. Hakuna mumwe anozviita kunze kwedu isu uye munharaunda dzatinogara vana vemo vana vedu tese.

“Mwana wangu akasimukira, nharaunda yese uye nekwatinobva kunenge kwasimukirawo. Saka vabereki tiri kutofanirwa kushanda nesimba kuona kuti vana vedu tavarongera remangwana ravo,” anodaro Janyure.

Akatanga kuita zvemhanzi mugore ra2008 uye kusvika pari zvino abura madambarefu matatu anoti Chishuwo (2011), Maboorangoma (2014) naNdada (2018).

Akamboshanda nemuimbi ane mukurumbira, Louis Mhlanga, pakambo kanonzi Usachinje Moyo.

Janyure mumwe wevaimbi vechidzimai vashoma avo vakasununguka kuita mashoo munzvimbo dzinosanganisira mumabhawa.

“Semuimbi, unotofanirwa kupinda munzvimbo dzese uchiparidza nekuti chinhu chikuru chatinenge tichida kusvika kweshoko nekutendeutsa vanhu. Mumabhawa imomo vanhu ngavadzidziswe vashandure upenyu hwavo.

“Saka sevaimbi ngative takasununguka kupinda munzvimbo dzakasiyana tichinoridza,” anodaro Janyure.