Kwayedza

Mavambirwo erondedzero

Ticha Danga
MURWI wehondo kana achinge aita tsvakurudzo yemuvengi waachada kuzorwisana naye, anobva aunganidza zvombo zvaanofunga kuti akazvibata chete haachavhunduki. Anobva asunga dzake kuti anorwisa muvengi wake nekuti anoziva kuti iye akaita gadziriro yakakwana nekudaro haana kana chekuvhunduka.

Kanawo mwana wechikoro akaita gadziriro yakakwana, anoti chero bvunzo rakadii ngariuye ndirisesedze kusvika ndarisendeka pandinoda chaipo. Vana takavapa zvose zvinodiwa kuti rondedzero ichitanga kunyorwa nekudaro tava kuchipinda mukati chaimo mukuchiinyora tigoona kuti pane vanozobatwa nehosha vanenge vaita zvekudii.

Chikamu chino tinoda kuti titatsurane nematangirwo akasiyana-siyana angatibatsira kutanga rondedzero dzine hudzamu. Tinoda kuti titsokodzere mavambiro erondedzero nekuti ndipo patinoda kubatira muverengi musaga kuti tigogona kufambidzana pasina kana dambudziko.

Munyori akaera agona kusunga muverengi mbira dzakondo nenhanganyaya, anobva amuita wake chero kana goho rinodururwa kusvika mhirimo yazara. Kuti isu tigone kupfigira muverengi nemukwenyi webasa muchizarira chedu, tinofanirwa kutevedza nzira dzekuvamba nadzo rondedzero dzandichanyora pasi.

Kana mwana akadzidza zvirungamutauro zvakasimba anofanirwa kuziva kuti tsumo chaidzo dzinokodza mutauro zvikuru zvekuti kutanga nhanganyaya achishandisa tsumo kunoita kuti abate mbariro dzepfungwa dzemukwenyi webasa.

Tsumo dzinoburitsa hudzamu hwekuti wese anoverenga anotozonzwa kuda kunzwa zvakaitika kumberi. Zvinoda kuti uzive zvinoreva tsumo dzacho kuti ugoziva dzinoenderana nedingindira remusoro wawasarudza.

Kana dingindira remusoro wawasarudza riri rekufara, kune tsumowo dzinoende

rana nekufara koitawo zvakare dzinobata bandiko rekusuwa. Kana iri nyaya ichaburitsa kusuwa, munyori anogona kubva atanga netsumo inoti, “Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.”

Muverengi wechinyorwa anobva atoziva kuti hakuna chakanaka mberi uko.

Madimikira zvakare anobata mbariro dzemumusoro memuverengi dzamara asvika pakudokwairira kunzwa zviri mumutumbi wechinyorwa. Madimikira anotaura pfungwa nepadivi sekunge kureva chinhu wakahwanda. Munyori akatanga rondedzero achiti, “Nguva iya yekudya nhoko dzezvironda yakanga yatopfuura,” zvotoreva kuti chinyorwa ichi chichaburitsa kunota kwakazoita vanhu vaimbenge vachitambura zvikuru.

Madimikira akashandiswa zvakanaka, anogona kutenhera muverengi muchizarira chako kusvika oita zvaunenge uchida nekudira zvibodzwa

Idzo nyaudzosingwi chaidzo dzinogona kuita kuti kutanga rondedzero kutapire. Nyaudzosingwi dzakanakira kuti dzinobva dzaburitsa maitikiro chaiwo akaita chinhu. Ukanyora chinyorwa uchiti akarohwa mbama ndokuchema zvasiyana neuyo Ndanatsei ati, “Akanzi mbama watsu, ndiye mhere bovo kana kwetsu.”

Apa Ndanatsei ari kuratidza kuti ane mukanwa makadzikama mune chiShona chaicho chinoti huya uone. Ukatizve, “Akanzi chematsenganzungu shwee, ndiye mukabika idyai.” Zvoreva kuti akarohwa akafira ipapo.

Mamwe matangiro erondedzero anofadza nekutekenyedza muverengi ndeekutanga uchishandisa fananidzo. Kana ukati, “Akaudyura maziso sehandira yadzipwa nechitorobho achifemera pamusoro sedafi,” unenge watotenhera mukwenyi webasa munzanga mako nekuti anenge otokwenya musoro achida kufamba nechinyorwa chako.

Kana uchida kubva wabata mukwenyi kumuita wako chibva washandisa mubvunzo usina mhinduro kutanga rondedzero ugoona kudzikama kwaanoita. Ungatanga sezvizvi, “Ko ndakanga ndichatyeiko kununa ini ndaive ndakasasikwa kare?”, “Ko ndiani ange achandiona murima makadai?” Unenge watogadzirisa basa kare goho roita zvokuodzvokera munhava yako.