Kwayedza

‘Mavhidhiyo, mhanzi ngazvive hochekoche’

Anyway Mukumanhenga

Abel Ndooka
SHASHA yekubika mavhidhiyo emimhanzi – Anyway Mukumanhenga – anoti mavhidhiyo aya anobatsira zvikuru kududzira zvinenge zvichiimbwa uye kudzidzisa vatsigiri zvakasiyana-siyana zvinosanganisira tsika nemagariro kana achinge abikwa zvemandorokwati.

Mukumhanhenga uyo ane studio yake inonzi Blackspider Prodictions anobika mavhidhiyo evaimbi vakasiyana vanosanganisira Mostaff naRas Kelly mwanakomana waKapfupi, Tichaona Tasara naJustice T Chimuramba.

Chero zvazvo vaimbi vachizongopihwa mbiri pamhanzi yavanenge vabika uye vaparura mavhidhiyo, pane basa guru rinenge raitwa nevanobika mavhidhiyo aya.

Mukumanhenga anoti mavhidhiyo ndiyo nzira yekutengesa mhanzi mazuva ano sezvo achibatsira vanhu kuti vadzidze zvakawanda.

“Vamwe vaimbi vemuno vachiri vakati sarirei pakubika mavhidhiyo, chavasingazive ndechekuti mukore uno mavhidhiyo ndiwo nzira yekutengesa mhanzi asi hunge rakanyatsobikwa zvakanaka uye zvinenge zvichiimbwa zvirizvo zvinobuda pavhidhiyo iri.

“Vamwe vanongobika vhidhiyo zvekunzi vangoita vhidhiyo asi pasina chinovaraidza chinenge chichibuda ipapo. Vakomana veZim-dancehall iye zvino vari pamberi pakubika mavhidhiyo izvo zviri kubatsira mhanzi yavo kuti irambe ichisimukira uye ichienda mberi,” anodaro Mukumanhenga.