Kwayedza

MaWarriors kuEurope

Marvelous Nakamba

Abel Ndooka

CHIKWATA chaMarvelous Nakamba cheLuton Town, chave pedyo nekupinda muEnglish Premier League zvichitevera kuziviswa kwachakaitwa kuti chakapedza chiri pechitatu mumwaka wegore rino weEnglish Championship.

Zvichitevera kukundwa kwakaita Middlesbrough 1-0 neRotherham musi weMuvhuro, Luton Town yakabva yatoziviswa kuti mwaka uno ndiyo ichapeddza iri pechitatu pasara mutambo mumwe chete wemwaka wa2022-23.

Mitambo yeEnglish Championship iri kupera svondo rino uye svondo rinotevera yemaplayoffs inenge ichitanga iyo ichaona zvikwata zvina zvichirwira chinzvimbo chimwe chete chasara chekupinda muPremier League mwaka unotevera.

Kupedza kwakaita Luton Town iri pechitatu, kuchaiona ichibandana nezvimwe zvikwata zvina zvichirwira chinzvimbo chasara chekupinda muPremier League.

Nekune rimwe divi, Tendayi Darikwa akaona chikwata chake cheWigan Athletic chichigumurwa muEnglish Championship zvichitevera kuita mangange kwachakaita 1-1 neReading svondo radarika.

Tendayi Darikwa

Wigan, iyo yakapinda muEnglish Championship mwaka uno, haina kumbotamba zvaigutsa izvo zvakaona chikwata ichi chichishandura varairidzi katatu mumwaka mumwe chete. Chikwata ichi chakatanga chichirairidzwa naLeam Richardson uyo akadzingwa basa akatsiviwa naKolo Toure uyo akazotandaniswa zvekare mushure mekunge akundwa mitambo mipfumbabwe yaainge arairidza.

Darikwa, uyo ange ari kaputeni wechikwata ichi mwaka uno, akwanisa kutambira Wigan ka37.

Mutambi wePlymouth Argyle, Brendan Galloway, mwaka unotevera achange achitambira nhabvu yake muEnglish Championship zvichitevera kuhwina kwakaita chikwata chake tikiti rekutambiramo.

Brendan Galloway

Rwendo rwePlymouth muEngland Division One rwange ruri rurefu sezvo chikwata ichi chaidzingirirana neIpswich Town pamwe chete neSheffield Wednesday mukurwira tikiti rekupinda muChampionship mwaka unotevera.

Mwaka uno, Galloway akwanisa kutambira Plymouth ka18 sezvo asina kutanga zvakanaka nekuti akambokuvara. KuFrance, chikwata chaMarshall Munetsi cheStade de Reims chakakundwa 1-0 neClemort izvo zvakaona chichidzikira palogo reFrench Ligue 1.

Munetsi akatamba mutambo wese uye ndokuzopihwa yellow card wave kunopera.

Marshall Munetsi

Matambiro eReims adzikira mumitambo yadarika izvo zvaiona ichikundwa mitambo mitatu yakatevedzana.

Kukundwa kwayaitwa mitambo yadarika kwaona Reims ichidzikira palog ndokunogara pechi11.

Kuchiti Tino Kadewere akatamba maminitsi mashanu chete apo Real Club Deportivo Mallorca yakaita mangange 1-1 neAthletic Bilbao mumutambo weLa Liga Santander nemusi weMuvhuro.

Mwaka uno, Kadewere akwanisa kutamba mitambo 13 kuMallorca ndokunwisa kamwe chete, asi mitambo mizhinji ange achitanga akagara pabhenji.