Kwayedza

MHCC yovhura muzinda maererano neCovid-19 kuEpworth

Bazi rezveutano nekurerwa kwevana svondo rino rakavhura muzinda uchange uchiwanikwa mashoko ari pamusoro pechirwere cheCovid-19 nemamwewo matenda kuEpworth nechinangwa chekuti veruzhinji vawane ruzivo rwunovabatsira mukuzvidzivirira. Izvi zvichaita kuti vanhu vawane mashoko echokwa kwete kungopihwa manyepo.