Kwayedza

Mudarikwa obatsira zvikoro

Cde Mudarikwa Vobatsira muCovid

Kingstone Mapupu

ZVIKORO zvinosvika 54 zvekuUzumba kudunhu reMashonaland East zvobatsirwa nemidziyo yakasiyana yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 nemumiriri wenzvimbo iyi mudare reNational Assembly, Cde Simbaneuta Mudarikwa vachibatsirana nebazi rezveutano nekurerwa kwevana nemamwe mapoka akasiyana.

Zvikoro izvi zviri kubatsirwa nezvinhu zvinosanganisira mamasiki, sanitiser uye nemvura yakachena yekushandisa.

Cde Mudarikwa vanoti hondo yekumisa kupararira kweCovid-19 inoda mukomberanwa.

“Hakuna chikoro chinofanirwa kusangana nedambudziko rezvekushandisa munguva ino yekurwisana nedenda reCovid-19. Vamwe vana vedu vakavhura zvikoro avo vari kunyora bvunzo munguva pfupi iri kutevera nekudaro tiri kuvabatsira nemidziyo yekurwisa Covid-19,” vanodaro Cde Mudarikwa.

Vanoti mudunhu ravo rose reUzumba mune zvikoro 54 zvepuraimari nesekondari.

“Ini saMP weUzumba ndiri kumhanya zvikuru nemutizo wakasimba kuti mudunhu rangu musawanikwe vanhu vanobatwa nedenda reCovid-19, zvikuru tatarisana nekuti vana vechikoro vavhura. Tiri kushanda kuti tivawanise zvose zvinodiwa zvinosanganisira masanitisers, mamasiki, magirovhosi nezvimwe kuti vadzidze zvakanaka kuzvikoro zvose zvemuno zvinokwana 54,” vanodaro Cde Mudarikwa.

Vanoti pasi pechirongwa ichi, vari kubatsirawo vadzidzisi zvakare.

“Vana vechikoro nevadzidzisi vose tiri kubatsira. Hatina kumbobvira takazorora kubva mumwedzi waKurume pakaturwa chisungo chekuti vanhu vagare kudzimba, taingoshanda tichigadzirisa muzvikoro zvedu, mvura yavamo nekucherwa kwezvibhorani zvitsva uyewo nekuvandudzwa kwakaitwa zvimwe zvitsaru,” vanodaro Cde Mudarikwa.

Vanoti vane hurongwa zvakare hwekuzovandudza zvimwe zvezvikoro izvi kuburikidza nekuzvipenda nekuita zvakasiyana.

“Tagara tiine hurongwa hwekuvandudza dzimba dzekudzidzira pamwe chete nedzevadzidzisi vedu saka kuuya kwakaita denda reCovid-19 kwakasimbaradza basa iri. Tinoshanda zvakanaka zvikuru nemakiriniki edu ose muno nechinangwa chekurwisa Covid-19,” vanodaro Cde Mudarikwa.

“Kuno kuUzumba tinoti pasi neCovid-19 hatidi kumbofa takaiona, zvikuru vana vedu vavhura kudai tinoda kuvachengetedza.”

Mudunhu iri mune chikoro chitsva chiri kuvakwa icho vanoti chichabatsira zvikuru kuti vana vadzidzire mudzimba dzakanaka.

“Tine chikoro chitsva cheMachekera Secondary icho ndiri kuvakisa tichibatsirana nevanhu vemunharaunda chava kutodzidzirwa. Ndakacheresa chibhorani ndikaisa tangi remvura, mapombi tiri kuisa zvakare uye zvimbuzi takatopedza kuvakisa,” vanodaro Cde Mudarikwa.