Kwayedza

— Mudzidzisi raira —

TSUMO DZINOFANANA
CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kumumwe murairidzi wepaKatsande Primary Schoo, kuMudzi.

1. Bvupa jena rakabva munyama / Kwave kusakara kwedoo serisakambodyiwa nyama.

2. Aswinya arwa / Agumhina afamba hazvienzani natigere.

3. Akanga nyimo avangarara / Avhiya chidembo chiveza achatyei. (chiveza mweya unonhuwa unobuda pachidembo).

4. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro / Chakona chakona mai havaroodzwi / Chiramba chiramba pfuma yaamai haikumirwi.

5. Mbwende haina vanga / Bere zvarakatya mapapatya aro mangani.

6. Guyu kutsvukira kunze mukati makaora / Kuona mukombe kunaka kunze mukati mune marovhu.

7. Mwoyo muchena unobayisa / Sakunatsa ndiye sakubayiwa.

8. Seka urema wafa / Seka urema wabuda imvi.

9. Zundu kugara mudanga hanzi ndave mombewo / Zizi kugara muhuku hanzi ndave kuhuwo.

10. Urombo hwenherera kupakwa ichirutsa / Mudzimu wemvana kuroorwa ichirambwa.

11. Mvura yembambara tiza ichiri kure / Moto wesango tiza uchiri kure.

Varairidzi makasununguka kutumira zvamunoda kuti vana vadzidze ku: Kwayedza, Box 396 Harare kana paEmail inoti kwayedza@zimpapers.co.zw. Munogona kusiya chero kumahofisi eZimpapers kuManica Post, kwaMutare, kuChronicle Building, kuBulawayo, paHehald House muHarare, kuMasvingo, Beitbridge, Gweru kana kuChinhoyi. – MUPEPETI.