Kwayedza

— Mudzidzisi raira —

MAZWI ANOFANANA
CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “MUDZIDZISI RAIRA”. Chidzidzo chino chinobva kumumwe murairidzi wepaKatsande Primary School, kuMudzi.

Zvakakosha kuziva mazwi akafanana uye achireva chinhu chimwe chete. Pabvunzo panogona kuuya mubvunzo unoti: “Amai vabika mabura. Mabura chii?” Saka unofanirwa kuziva kuti mabura imbambaira.

Heanoi mazwi anoreva zvimwe chete:

1. Bere (magwinhi, tika, tsvitsi, magondo)

2. Burwa (mupurwa, gamamombe)

3. Bonga (gora, nhiriri)

4. Chifembere (nhema, fura, kadyamutowa)

5. Twiza (furiramudenga)

6. Bveni (diro, mutiro, pfene, gudo, dede)

7. Jongwe (gukurume)

8. Rize (chinyavada)

9. Nhoro (nzirawa)

10. Garwe (ngwena, goko)

11. Ishwa (shwarara)

12. Tsikidzi (tsiro)

13. Tsoko (shoko)

14. Tsuro (shuro)

15. Gunguwo (sawara)

16. Zizi (chipotono)

17. Hwiza (mhashu, ndongwe)

18. Datya, (chura, zura)

19. Hovo (chikovo)

 . Varairidzi makasununguka kutumira zvamunoda kuti vana vadzidze ku: Kwayedza, Box 396 Harare kana paEmail inoti kwayedza@zimpapers.co.zw. Munogona kusiya chero kumahofisi eZimpapers kuManica Post, kwaMutare, kuChronicle Building, kuBulawayo, paHehald House muHarare, kuMasvingo, Beitbridge, Gweru kana kuChinhoyi. – MUPEPETI.