Kwayedza

‘Mudzimai akandiburitsisa basa’

Dare

Phillipa Mukome Chinhoi

MURUME wemuHarare anoti haazi kukwanisa kuchengeta vana vake vatatu nekuti haashande zvichitevera kudzingiswa basa kwaakaitwa neaimbove mudzimai wake uyo ave kushanda pakambani yaaisevenza.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Erica Muhwanda aida kuti Amon Dzimbanhete abhadhare mari yemendenenzi yekuchengeta vana vavo.

“Chikumbiro changu ndechekuti andibatsirewo nemari yekuchengeta vana, kutenga mbatya nezvinodiwa kuchikoro. Tine vana vatatu uye tanga tava nemakore gumi nematatu tiri tose, hapana chaari kundipa sezvo achingoti haana mari,” anodaro Muhwanda.

Dzimbanhete anoti haakwanise kubhadhara mari yemendenenzi nekuti haasi kushanda.

“Dai amai ava vasina kundidzingisa basa ndingadai ndiri kubatsira, mudzimai wandiinaye ndiye ari kutobhadhara rendi nekutenga chikafu mumba. Handina kana kwekuwana mari,” anodaro.

“Zvakare handinyatsogutsikana hangu kuti vana ava ndevangu naizvozvo ndaikumbirawo nguva yekuenda kunoita DNA. Mari ndichamupa hangu asi handisi kugutsikana, ndikada kutsiura vana anoti siyana nevana vangu saka handichazivi kuti zvakamira sei,” anodaro Dzimbanhete.

Mutongi Sharon Mashavira vakati Dzimbanhete anotenderwa kuita DNA yevana ava nekuti ikodzero yake asi anofanobhadhara US$90 pamwedzi yekuvariritira.