Kwayedza

Mufushwa wemunyemba

MUFUSHWA wemuriwo wemunyemba ndekumwe kudya kwechivanhu kunokurudzirwa zvikuru sezvo kuchisimudzira utano hwevanhu.

Mumufushwa uyu munowanikwa iron nefolic acid izvo zvinobatsira mukuwedzera ropa mumuviri.

Svondo rino Mai Olivia Mazinyani vekuMasvingo vanotsanangura mabikirwo emufushwa uyu.

Zvinodiwa:

400g dzemufushwa wemunyemba, soda, munyu, mafuta nedovi.

Mabikiro:

Gadza mufushwa pamoto uine mvura ine twusoda twushoma. Siya zvifashaire kwemaawa maviri.

Bura womimina mvura yose irimo. Chiisa mufushwa muchikari chakachena woisa mafuta, munyu nematomatisi.

Kana zvaibva, dira twumvura twushoma wokurungira dovi, wozorega zvichikwata kwechinguva.

Chibura upakurire mhuri. Mufushwa wemunyemba unonaka kudya nesadza jena, rezviyo kana remhunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281