Kwayedza

Munetsi ari kupisa, anwisa zvekare

Marshall Munetsi

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors neStade de Reims yekuFrance – Marshall Munetsi – akanwisa svondo richangodarika apo chikwata chake chakakunda cheLille Olympic Sporting Club 1-0.

Munetsi akanwisa mutambo uyu watambwa maminitsi 21, mutambo ndokupera uri 1-0.

Mumitambo mina yeReims change chaita mangange kamwe chete ndokukundwa mitatu yakatevedzana izvo zvakaona chichidzikira zvakanyanya palog reFrance Ligue 1.

Mwaka uno Munetsi matambiro ake enhabvu akasimuka zvikuru sezvo kusvika pari zvino akwanisa kunwisa kanomwe mumitambo 30 yaatambira Reims.

Kuchikwata chake cheReims, Munetsi ndewechipiri pavatambi vanwisa kakawanda izvo zviri kumuona achitevera mumashure maFolarin Balogun uyo anwisa ka18 mumitambo yaatambira Reims.

Munetsi ave nemwaka mina achitambira Reims uye mwaka wekutanga wa2019/2020 mutambi uyu akatamba mitambo 17 ndokunwisa kamwe chete uye mwaka waitevera wa2020/2021 akatamba mitambo 27 ndokunwisa kamwe chete.

Mwaka wa2021/2022 matambiro aMunetsi akasimuka zvikuru izvo zvakamuona achinwisa kashanu mumitambo 24 yaakatamba.

Matambiro aakaita mwaka wa2021/2022 ndiwo akambotuma chikwata cheBrighton & Hove Albion kuti chide kutenga mutambi uyu apo chaitsvaga mutambi anotsiva Yves Bissouma uyo ainge abva kuchikwata ichi achienda kuTottenham Hotspur.

Reims yasarirwa nemitambo mina kuti mwaka wayo wa2022/2023 uchipera uye ine mukana wekuhwina chinzvimbo chekutamba muUEFA Europa League kana Conference League mwaka unotevera.