Kwayedza

Munetsi azunza mambure kuFrance 

Marshall Munetsi

Abel Ndooka

MUTAMBI wemaWarriors, Marshall Munetsi anwisa nhasi manheru apo chikwata chake cheStade de Reims chakunda cheAngers 4-2 mumutambo weFrench Ligue 1.

Mutambo uyu ndiwo wekutanga wahwinwa neReims mwaka uno kubva mumitambo mishanu yayatamba.

Mumutambo uyu, Munetsi ndiye avhurira kunwisa mutambo watambwa maminitsi 23 uye chikwata chake ndicho chatungamira kusvika mutambo wapera.

Kusvika pari zvino chikwata chaMunetsi chatamba mitambo mishanu iyo yaona chikukundwa miviri ndokuita mangange miviri nekuhwina mumwe chete.

Wekutanga chakakundwa 4-1 neMarseille, ndokuzokundwa 4-2 neClermont uye ndokuita mangange 1-1 neStrasbourg neLyon.