Kwayedza

Murume oda mendenenzi ye$83k

Dare

Ashley Mujoma

MURUME wemuHarare ari kuda mendenenzi ye$83 200 yekuchengeta mwana wavo kubva kumudzimai wake kunyangwe zvazvo vachigara pamba pamwe chete.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Peter Mudavanhu aipomera Resta Machote kuti haasi kumubatsira kuchengeta mwana wavo.

“Mudzimai wangu ari kutadza kuchengeta mwana wedu zvakanaka,” anodaro.

“Zviri nani andipe mari yacho uye ndoita ndoga basa rekuchengeta mwana uyu.”

Zvisinei, Machote anoti murume wake haazi kutaura chokwadi mudare.

“Handizi kunzwisisa kuti izvi zvinorevei, kunyanya kana achiti ndiri mudzimai asingazive zvaanoita. Ndini ndinoita zvose zvinodiwa mumba uye tose tiri kugara paimba yedu yewanano.

“Saka sei ari kuti anoda mari yerendi yepanogara mwana?” anodaro.

Mutongi Judith Taruvinga vakarasa chikumbiro chaMudavanhu nekuda kwekushaikwa kweumboo hwakakwana hwekuti sei ari kuda kupihwa mari yemendenenzi naMachote.