Kwayedza

Mutemarege une makuva

Catherine Murombedzi
SVONDO rino ndati ndidzokorodze kunyora pamusoro pedambudziko riri kuramba richiitika munyika muno revanhu vari pamaARV avo vari kupedzisira vasisanwe mapiritsi sezvakatarwa.

Njodzi iri pakuita mutemarege sembada iyi nemaARV iri pakuti mapiritsi anopedzisira asisashande wave kuita inonzi pachirungu “drug resistance”.

Hapana munhu anoda kufa kunyangwe atarisana neguva anotomira-mira kuti aedze kuri nzvenga gomba racho asi chishamiso ndicho chekuti nhasi wanwa maARV mangwana wasiya ndiko kutamba nerufu chaiko.

Zvinonzi chapinda munzeve chawaridza bonde, munhu wese ari pamaARV akaudzwa kunzi hapana musi waunoti nhasi ndombozorora kuanwa ndozozviona mangwana kwete kuzvikokera rufu urwo rwawagara uchitya nechekare.

Sangano reNational Aids Council raratidza kushushikana pamusoro pevanhu vari kuti nhasi vanwa maARV mangwana vazorora kunwa.

NAC Monitoring and Evaluation Director VaAmon Mpofu vanoti huwandu hwevanhu vari kuregera kunwa maARV hwakura zvinotyisa.

Vanoti chimwe chingave chikonzero mabasa anowanikwa achiita kuti vanhu vatame-tame panzvimbo.

Vazhinji vanopedzisira vatoenda kunze kwenyika nechinangwa chekutsvaga cheuviri. Vasvika ikoko, mapiritsi avainge vatakura akapera vanoita dambudziko rekumbomira kuanwa izvo zvisingafanirwi kudaro. Vamwe vanomira kunwa mushonga mushure mekunzi nevafundisi kuchechi vapona nekutenda.

Dzimwe nyanzvi dzezveutachiona hweHIV dzinoti vamwe vanhu vari kuregedza nekuda kwekuti havasi kubvuma kuti vane utachiona, kutarisirwa pasi uye rusarura kuvanhu vanorarama neutachiona uhu.

Nekuda kweizvi, VaMpofu vanoti tinofanirwa kuisa misoro pamwe chete dambudziko iri rigadziriswe nekuti budiriro yataita senyika ingayeredzwe.

“Takaona kuti kune mamwe matunhu munyika ino vanhu vari pamapiritsi emaARV vari kuregedza kunwa zuva rimwe kana maviri naizvozvo zvinokonzera kusashanda kwakanaka kwemushonga wemaARV. Panoda dzidziso yakanyorovera pavanhu vari kuiswa pamushonga wemaARV kuitira kuti vanzwisise chikonzero chekunwa mapiritsi aya. Tingazopepuke budiriro yese yataita senyika yayeredzwa nhau iyi ikasagadziriswa,” vakadaro VaMpofu.

Vanhu vanosvika 1,3 miriyoni muZimbabwe vari kurarama neutachiona hweHIV uye chikamu makumi mashanu kubva muzana ndivo vari pachirongwa chemaARV.

Sangano reNAC rinotarisira kuti mukupera kwegore rino vanhu vese vanokodzera kuve pamaARV vange vava kuawana.

Zvakadaro, kuvana vane utachiona hweHIV chirongwa chavo chichiri kumashure.

Vana 163 000 vane utachiona havasi kuwana mushonga vose sezvo chikamu che40 ndicho chete chiri kuwana maARV.

Remangwana revechidiki riri mumawoko edu naizvozvo hutano hwavo ngarive dambudziko revakuru kuona kuti hwaringana nekuti nzombe huru yakabva mukurerwa.

Pamusoro pezvo, kumwe kutaura kwakanaka kunoti chirere chigozokurerawo mangwana, kureva kuti vachidiki ivava ndivo vachazova vatungamiriri vedu mune remangwana.

Shoko rinofanirwa kugara matiri ndere kuti tiza nehutano hwako kubva chinoparadza, HIV/AIDS inoparadza ukaita dambe nezvawakaudzwa navanamazvikokota munezve hutano.

Ndinoziva kuti hapana anoda kuita honzeri yechakaipa mukurarama kwake naizvozvo usave honzeri yerufu nekuti une vauchasiira hupenyu hwavo panzira nekuti waiva muchengeti wavo, pafunge!

Wenyu:cathymwauyakufa@gmail.com