Kwayedza

– Mutupo – Shava Mhizha

Maita Mhizha

Zvaitwa Nhuka.

Maita Mukonde wangu yuyu,

Vamangurirambezhu vava,

Vasingabati mbezhu neshangwa.

Maita Mhizha yangu yiyi,

Mupaya, waMabweadziva,

Vakadzivira Dzimbabwe kwaMwari.

Maita vari Bvumbura,

Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi.