Maita Mhizha
Zvaitwa Nhuka.
Maita Mukonde wangu yuyu,
Vamangurirambezhu vava,
Vasingabati mbezhu neshangwa.
Maita Mhizha yangu yiyi,
Mupaya, waMabweadziva,
Vakadzivira Dzimbabwe kwaMwari.
Maita vari Bvumbura,
Aiwa zvaonekwa Shava yangu yiyi.
- A C Hodza (mushakabvu): Department of African Languages – University of Zimbabwe.