Kwayedza

Mwana afira pakiriniki ‘gadhi’ aoma musoro

VaMisheck Maphosa

Mashudu Mambo

MUNYAYA inorwadza zvikuru, mwana ane gore rimwe chete nemwedzi mitanhatu yekuberekwa wekuSilobini akafira pagedhi reMhlahlandlela Clinic kuMatobo, mudunhu reMatabeleland South apo vabereki vake vainge vakamirira kwemaawa anosvika gumi nerimwe pasina kuwaniswa rubatsiro.

Vakamira kwenguva refu iyi mushure mekunge murindi wepakiriniki iyi avataurira kuti haivhurwe nemusi weMugovera neSvondo.

Chiitiko chinosuwisa ichi chinoita kuti veruzhinji varase tariro maringe nekunotsvaga rubatsiro rwekurapwa muzvipatara nemumakiriniki.

Baba vemwana uyu, VaMisheck Maphosa, vanoti hapana mubereki anofanira kusangana nezvavakasangana nazvo apo vakarasikirwa nemwanasikana wavo.

“Zvakashata, kudai mwana wangu akawana rubatsiro nenguva angadai ari mupenyu. Wakanga uri musi weMugovera mangwanani nenguva dza8, mudzimai wangu paakaendesa mwana wedu ainetsekana nekufema kuMhlahlandlela Clinic kuti anorapwa. Paakasvika, murindi wepakiriniki apa akabva amuzivisa kuti haivhurwe paweekend,” vanodaro.

“Mudzimai wangu akabva amuratidza chikwangwari chinotsanangura kuti kana utano hwemurwere huri panjodzi huru, kiriniki iyi inobatsira siku nesikati asi gadhi wacho akaramba akati hapana wavaibatsira paweekend.”

VaMaphosa vanoti kwapera nguva yakareba, mumwe mukoti akazooneka achiratidza kuti aikwanisa kubatsira asi akanga ari pazororo.

“Mudzimai wangu akamira ndokuzoona mumwe mukoti akamuudza kuti akanga ari pazororo uye asina makiyi epakiriniki akamuudza kuti mukoti aiva pabasa akanga aenda kumusangano,” vanodaro.

VaMaphosa vanoti mudzimai wavo akamirira achifunga kuti achabatsirwa kusvikira nenguva dza1 masikati apo akazodzoka kumba kuzodya, ndipo pavakazomuperekedza kudzokera kukiriniki vachida kunoona kuti sei mwana asina kurapwa.

“Takasvikako mushure mekudya kwemasikati, takawana mukoti ari pabasa pakiriniki asi haana kutibatsira, akatirambidzawo kuti tipinde mukiriniki.

“Kuma7 manheru, ndakatsvaga rubatsiro rwemupurisa uyo akazotaura namukoti kiriniki ikavhurwa na8pm asi mwana akafa achangopinda mugedhe repakiriniki,” vanodaro VaMaphosa.

Vanoti mwana wavo akafira pagedhe rekiriniki iyi na8.05 manheru.

Sabhuku wemumusha weSilobini, VaMannford Ndiweni, vanotsinhira nyaya inosuwisa iyi vachiti vagari vemunzvimbo yavo vari kugunun’una pamusoro pemukoti ari kutaurwa nezvake (zita tinaro) uye vakabva vasvitsa zvichemo zvavo kuvakuru vavo.

“Zvakaitika ichokwadi uye zvinoshungurudza zvikuru. Takatambira zvichemo zvakawanda pamusoro pemukoti uyu kubva kuvanhu uye kufa kwemwana uyu kunoratidza kuti mukoti uyu haasi kuita basa rake rekuchengetedza upenyu hwevanhu.

“Takabva tatsanangura kusabatwa zvakanaka kwatakaitwa uye nyaya iyi takaisvitsa kuvakuru kuitira kuti zvisazoitika zvakare pakiriniki apa.

“Iko zvino takamirira mhinduro yavo nekuti nyaya iyi inoda kunyatsogadziriswa,” vanodaro Sabhuku Ndiweni.

Provincial Medical Director (PMD) weMatabeleland South, Dr Rudo Chikodzore, vanoti havasati vatambira gwaro renjodzi iyi.

Zvichakadaro, muna2018, bazi rezveutano nekurerwa kwevana rakaparura gwaro remabatirwo anofanirwa kuitwa varwere kumakiriniki nezvipatara, rePatient’s Charter iro rinoti vanamukoti vanofanirwa kubatsira varwere mukati memaminitsi makumi matatu pavanosvika senzira yekuvandudza nzira dzekupa rubatsiro.

Gwaro iri rinotiwo vanenge vaperekedza varwere havafanirwe kupedza nguva inodarika maawa maviri vari muchipatara.