Kwayedza

mwana anotukirira amai

Gamuchirai Muzanenhamu
AMAI vekushungurudzwa nemwanakomana wavo vakazopotera kudare redzimhosva vachiti ari kuvaonesa ndondo achida mari inobviswa nemaroja uye anovatumira mashoko ekutukidzira panhare.

Isabel Mupfure akaendesa Wenston Muzvidzwa kuHarare Civil Court achida kuti amiswe kumufonera, kumutumira mashoko panhare achitukirira nekusvika kumba kwake achimutyisidzira.

“Mwana wangu ari kundishungurudza, ndava kushaya kuti ndodii. Anouya kumba achindituka nekundityisidzira achiti anoda mari yemaroja. Ndikamunyima anotanga kunditumira mameseji nekundifonera achindishungurudza kuti ndimupe mari iyoyo nekuti anoti imba ndeyababa vake saka anodawo mari yacho,” anodaro Mupfure.

Muzvidzwa anopikisana nezvose zviri kutaurwa naamai vake achiti baba vake pavakashaya, vakamusiirawo nhaka pamba ndokusaka ari kudawo mari yemaroja.

“Baba vangu vakasiira vana vose chikamu chake chake paimba iyi saka pandakafunga zvekutora chitambi chekutyaira ndakangoti sezvo ndainge ndisingatore mari yemaroja havairwadziwa kumbondipawo mari yemwedzi mishoma kuti ndikwanise kuchiwana,” anodaro.

Anoti haasati amboenda kumba kuna amai vake achiita ruzha nekuti akatoona kuti havawirirane.

“Handisati ndamboenda kumba kwavo, pandaitoda mari ndakatoudza anasekuru nekuti hatiwirirane. Ivo vakati enda unopihwa nababa vako,” anodaro Muzvidzwa.

Mutongi Larzin Ncube akapa Mupfure gwaro redziviriro.