Kwayedza

Mwana kubatira amai banga?

Dare

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare aendesa mwanakomana wake kudare reHarare Civil Court achiti kana adhakwa nemutoriro, anomubatira banga achida kumubaya pamwe nekumutukirira.

Tendai Padya audza dare kuti mwanakomana wake, Sulivan Masiya, anopwanya zvakare midziyo yemumba.

“Mwanakoma wangu uyu anoti akadhakwa nemutoriro, anonditukirira uye anopwanya midziyo mumba, pedzezvo ondibatira banga achida kundibaya. Ndinotopona nekutiza pamba,” anodaro Padya.

Masiya haana kuuya kudare.

Mutongi Tamara Chibindi vapa Padya gwaro redziviriro.