Kwayedza

Mwanakomana ‘okumbira’ amai vake

Shadow Chinyere

Fungai Lupande

MWANAKOMANA anova saimba, wekwaMasembura, kuBindura akashaya pekupinda nenyadzi mushure mekubatikidzwa achikumbira bonde kuna amai vake.

Shadow Chinyere wemubhuku raGombamwa anonzi ava nenguva refu “achikumbira” amai vake, Mai Ndaizivei Chinyere, kusvika musi weMugovera apo amai ava vakazomurongera nedzimwe hama, mwanakomana ane mukadzi nemhuri yake uyu ndokubatwa atova pamubhedha waamai, asina kutopfeka.

Amai ava vachangobva kufirwa nemurume wavo anova mukoma wababa vaShadow uye vanoti zvavagara vachiitwa nemwanakomana uyu zvinovarwadza, ndokusaka vakazofunga zvekumurongera.

Mai Ndaizivei Chinyere

Iye Shadow ari kubvuma kuda kuita makunakuna naamai vake, asi ndokunenera mweya yakaipa.

Nyaya yacho yava kwaSabhuku Gombamwa, avo vanoti vava kuikwidza kwaMambo Masembura.

Kwayedza yakasvika pamusha uyu Shadow achiri mumba maamai vake yekurara uye asati apfeka mbatya.