Kwayedza

Nakirwa nematemba

Matemba kudya kunovaka muviri.

USAVI hwematemba, uhwo vamwe vanoziva nezita remadumurirwa rechiRungu sekuti “same age boys” nekuda kwekuti hove idzi dzakaenzana pakukura, kudya kunonaka zvikuru uye kunovaka muviri sezvo kusina mafuta akawanda kana zvichienzaniswa nehumwe usavi.

Svondo rino tiri kukurukura zvakare naVaFelix Nyamupa, avo vanove nyanzvi yezvekubika paimwe nzvimbo yekutandarira vanhu vachidyira iri muHarare, avo vachatipakurira gapu ravo rizere nematemba akabikwa zvemandorokwati.

ZVINODIWA:

Fashaidza mvura wokanda matemba aunoda kuzobika.

Siya matemba iwayo ari mumvura inopisa kwemanitsi mashanu kuti apere munyu netsvina.

MABIKIRO:

Isa mafuta akaringana mupani wosiya achipisa.

Chikanda hanyanisi dzakachekwa wofuraya. Kanda matemba ako akachena mupani wokanga.

Pamabikiro echivanhu, matemba haaiswe masipaisi uye vamwewo vanoisa dovi zvichienderana nezvavanoda.

ANODYIWA NEI?

Matemba anodyiwa nesadza asi vamwe vanogona kuisa supu padivi.

 

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachinyorwa chino panhamba dzinoti +263 773 394 753.