Kwayedza

Nakirwa nemufushwa wehowa

Mufushwa wehowa wakabikwa.

MUFUSHWA wehowa kana ukabikwa nemazvo kudya kunonaka zvikuru sezvo nyanzvi dzezveutano dzichiti muhowa mune mavitamini anodiwa mumuviri, zvikuru mukurwisa zvirwere.

Svondo rino VaTobias Samanyara vekuDomboshava vanotsanangura mabikirwo emufushwa wehowa.

Zvinodiwa:

Chikari chakachena, mufushwa wehowa, mafuta, matomatisi, hanyanisi, godza muto kana dovi.

Mabikiro:

Tora komichi imwe chete yehowa hwakaomeswa woisa muchikari.

Dira makomichi matatu emvura wosiya zvichikwata kwemamitsi makumi maviri.

Bura wokuna kana kubvisa mvura yese irimo.

Isa mafuta mupani kana muchikari wokanga hanyanisi nematomatisi.

Isa howa mumuto iwoyo woisa munyu negodzamuto wombosiya zvichikwata kwemaminitsi mashanu.

Asi kana uchida kuisa dovi, usaise godzamuto.

Kana zvadai, chinyatsonakirwa nemhuri. Howa hunogona kudyiwa nesadza rechibage, rezviyo, remhunga kana remapfunde.