Kwayedza

N’anga yoti varimi ngavakoshese ongororo yevhu

MAI Emma Katuka vaiva mumunda wavo wemufarinya apo murume wavo, VaLawrence Katuka, vaichera chirimwa ichi kuti vazotengesera ruzhinji.

IMWE n’anga yekuMt Darwin inova hurudza inoti zvakakosha kuti varimi vakagadzirire zvose zvinodiwa mubasa ravo zvakaita sembeu, fetereza nemishonga yekufiritisa zvirimwa zvavo mwaka wezhizha usati watanga.
VaPatrick Kapfunde (46), avo vanozivikanwa nekuti Sekuru Bhaureni, vanoti mushonga mukuru pakurima kuwana zvinodiwa pamwe nemvura yekunaya inokwanirana. Sekuru Bhaureni, avo vakawaniswawo munda pasi pechirongwa chehurumende chekugovera ivhu kuruzhinji, vanoti varimi vanofanirwa kuti vatore ivhu ravo voriendesa kunyanzvi kuti rinoongororwa rigozivikanwa zviri kuperevera mariri. Murimi uyu anoti mwaka wadarika akakohwa matani gumi echibage nezvimwewo zvirimwa.