Kwayedza

Ndaida kuponda 1, kwete vatatu ava

Energy Chipinda

Kingstone Mapupu

MUKOMANA ane makore 17 ekuberekwa wekwaNyashanu, kuBuhera, ari kunzi akaponda vanhu vechikuru vatatu vemumhuri imwechete achiti ndivo vakakonzera rufu rwababa vake makore 16 akadarika. 

Energy Chipinda anogara mubhuku raMuchini anonzi svondo rapera akabva kubhawa pakati pehusiku aine chinangwa chekunoponda vakwegura ava.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti mukomana uyu akabva kubhawa kuma11 husiku nemusi weChina chakadarika, ndokunanga kumba kwaigara vashakabvu vanoti Erina Hlabati (80), Tafa Chatsanza (86) naMilia Chinotimba (74).

Anonzi akasvikopwanya gonhi remumba yekubikira achibva atora chitsiga chemoto ndokutanga kuvarova nacho. 

“Apinda mumba kudaro, akapakata huni yaiva nemoto ndokutanga kurova Erina Hlabati, ndokuzoenda kuna Tafa Chitsanza. Akazogumisira naMilia Chinotimba achirova vose zvakasimba. 

“Aipomera vemhuri iyi kuti ndivo vakakonzera kufa kwababa vake, VaJohaan Chipinda, makore gumi nematanhatu adarika,” vanodaro Asst Comm Nyathi. 

Vanoti vashakabvu vatatu ava vanonzi vaiva vapomerawo baba vemukomana uyu mhosva yekuti vainge vaba hwai yavo makore iwayo apo Energy aingova negore rimwechete rekuberekwa. 

Cde Joseph Chinotimba

Zvinonzi musi waitika bongozozo iri, vavakidzani ndivo vakazonzwa ruzha rwekurohwa kwevatatu ava kusvikira kwakazotaurirwa mupurisa anogara munzvimbo iyi uyo akazoenda ndokunowana vanhu ava vapondwa.

Energy anonzi akataura kuti aida kuuraya murume wepamba apa chete sezvo achinzi ndiye akakonzera rufu rwababa vake.

Anoti vamwe vaviri ava haazive kuti akazovapondera chii sezvo aiva asina mhosva navo. Asst Comm Nyathi vanoshora kupondana vachiti hakuna zvakunobatsira asi kuti kunowedzera matambudziko muvanhu uyewo vapari vemhosva dzakadai vanosungwa voenda kumajeri. 

Mumiriri weBuhera South mudare reNational Assembly, Cde Joseph Chinotimba vanovawo hama yevashakabvu ava, vanoti vanorwadziwa zvikuru nezvakaitika. 

“Vamwe vana vari kuita zvinhu zvavo mushure mekunwa tudoro tusina hunhu tunonzi tumusombodhiya, tumwe tuchinzi vana bouncer netumwewo nekuputa mbanje. Chionai mukomana uyu akapara mhosva iyi achibva kubhawa,” vanodaro Cde Chinotimba. 

Vanoshorawo vanhu vanoita makuhwa vachiti katsika aka kanovenganisa vanhu pamwe nekuvarwisanisa. 

“Hongu, mukomana uyu aidhakwa nedoro risina hunhu vachiputawo mbanje izvo zvakazowedzerwa nevanhu vemakuhwa vaitaurira mwana uyu mashoko ekunyepa ekuti baba vake vakauraiwa nemhuri iyi,” vanodaro Cde Chinotimba.