Kwayedza

‘Ndakatumirwa gudo’

KAMWELO BANDA

Kingstone Mapupu —
MURUME wekuSt Marys, kuChitungwiza, anoti akadzidza chidzidzo chekuti mudzimai wemuridzi haabatwe apo akatumirwa gudo rikanosvika pamba pake richitevera mukadzi wemunhu waakange ave kugara naye sewake.

VaJohn Masamba (62), avo vanogara voga sezvo mudzimai wavo akashaika, vanoti vakasangana nemumwe mukadzi uyo vakadanana naye ndokuguma vogara vose.

“Ndakasangana nemukadzi uyu muguta reHarare ndokumupfimba tichibva tatanga kudanana achiti aigara kuOld Mabvuku, uko anoti airoja nevana vake vatatu. Takafambidzana kwemwedzi tichionana mudhorobha kusvikira takazowirirana kuti achiuya kuzogara neni kumba,” vanodaro VaMasamba.

Tererai Vhidhiyo

Vanoenderera mberi vachiti: “Asi pamba pangu pakazoita dhirama mumwedzi waKurume gore rino mushure mekunge ndagara nemukadzi uyu kwemwedzi mitatu. Ndakaingwa negudo ndikatovhura dhoo ndokusangana nehoromba ikandikwazisa nezwi chairo remunhu. Gudo iri rakandidzikamisa richiti ndisatye, ravinga mudzimai waro wandaigara naye.

“Ndakabva ndapunzika ndikatotesa mabhurugwa nekutya, chikabudura chandaiva ndakapfeka chikanyorova chose.”

Vanoti gudo iri rakataura kuti raida mudzimai waro musi iwoyo pasina kumusiya.

Murume uyu anoti akazozvishingisa ndokudzokera mumba maiva nemukadzi waakanga asiya arere ndokumushevedza kuti azvinzwire.

“Ndauya naye, gudo iri harina kutaura naye rakadzokorora kwandiri kuti raida kuti ndidzoke nemukadzi waro zuva iroro. Mukadzi uyu akangopunzikawo pasi ndokutanga kuchema pasina chaakataura achingoti, ‘Amaiwe kani, amaiii kani!” vanodaro VaMasamba.

Murume uyu anoti gudo iri panguva yaichema mukadzi uyu rakamuyambira kuti aite zvarainge rataura ndokubva rangonyangarika nemurima.

“Gudo iri ranyangarika, ndakazosimudza mukadzi uyu paaiva arere achibongomora ndokuenda naye mumba ini ndave kunochinja kabudura kaiva katota neweti. Ndakabvunza mukadzi uyu kuti zvaimbofamba sei, ndipo paakazodura kuti mudzimai wemuridzi uye akatiza kumba achiva mari yangu.”

VaMasamba vanoenderera mberi vachiti, “Ipapo ndakamuti atore bhegi rake rembatya ndokumutsa chimota changu tichibva tananga kumba kwemurume waamai ava kuHarare, uko takasvika kuma11 husiku.

“Ndakasvikogogodza murume uyu akavhura ndikamuzivisa nyaya yose uyewo achiona mukadzi wake ndiinaye.”

Vanoti vakapinzwa mumba apo vakaudzwa kuti zvose zvavaita zvaizivikanwa.

“Ndakanzi nemurume uyu, ‘Waona here mukomana wandatumira ikoko kuzotora mukadzi wangu. Handina dambudziko newe, ndinoda mudzimai wangu asi ndinoda $3 000 yekundiripa’,” vanodaro VaMasamba.

Vanoti vakazokumbira kumurume uyu kuti vaisakwanisa kuwana mari iyi yose panguva imwe chete sezvo kumba kwavo vaive ne$700 chete, nekudaro vaizopedzisa imwe mumwedzi mitatu yaitevera.

“Ndakazokumbira kudzokera kumba uko ndakanotora $700 ndikadzoka nayo kumurume uyu.

“Kwakasara $2 300 iyo takawirirana kuti ndichaibvisa mukati memwedzi mitatu. Ndakatotaurira vana vangu vari kuSouth Africa kuti vandibatsire nemari uye ndakavazivisa nyaya yose.”

VaMasamba vanoti vakayambirwa kuti vakarega kuunza mari iyi sekuvimbisana kwavakaita aizotumirwa zvakare gudo rakanzi raizodzoka rava nehasha zvekugona kumurova.

“Vakadzi ngavapote vachitaura chokwadi kana vakaroorwa nekuti mukadzi uyu akandinyepera kuti aiva asina murume. Ini semunhu akafirwa, ndakaona kunaka kwechiso chake ndikati zvaita ndisingazive kuti ndaigochera pahutsi. Chokwadi mukadzi wemunhu haabatwe,” vanodaro.

Vanoti vapfidza zvekuti havachafa vakachiva vanhukadzi zvakare.

“Ndave kutya vakadzi, ndave kungogara ndoga zvangu nekuti vakadzi havavimbike, ndinogona kukuvadziswa.”

Zvichakadai, murume wemukadzi uyu – uyo akaramba kudura zita rake kana kutorwa mifananidzo – anotsinhira nyaya yegudo rinonzi rakatumirwa kuna VaMasamba.

“Pandakashaya mukadzi wangu ndakatanga kuenda kumadzitezvara vakati ndaiziva kwaiva nemwana wavo.

“Ndakazoenda kuna Sekuru Kamwelo Banda vekuCraneborne ndikaenda navo musango kumapurazi ekuBindura.

“Ndakanopfunyiswa chisero mubako husiku ndokuita zvavakaita kukabuda gudo hombe iro ndakanzi nditaure zvichemo zvangu.

“Ndakataura nyaya yekuti ndaiva ndatorerwa mukadzi uyo ndaida kuti adzoke. Ndapedza, ndakataura mutupo wangu nezita rangu nemutupo wemukadzi nezita rake.

“Ipapo gudo iri rakabva rangonyangarika,” anodaro murume uyu.

Anoti rechimangwana racho, akazoona VaMasamba nemudzimai wake vouya vachiti vainge vavingwa negudo.

“Ndakaregerera mukadzi wangu, uyo murume uyu ngaaunze mari yangu yose. Zvakatanga apo mukadzi wangu ainonoka kuuya kumba, dzimwe nguva achiti aienda kumisangano kuKaroi achinorarako.

“Saka akazongobva kumba imwe weekend ndokuenda zvachose,” anodaro.

Mudzimai ari munyaya iyi akaonekwa neKwayedza asi akaramba kutaura nevatori venhau kana kutorwa mufananidzo achiti zvinomufumura pamwe chete nedzinza rake.

Sekuru Kamwelo Banda vanoti murume uyu akawana chidzidzo chekuti mukadzi wemunhu haatorwe.