Kwayedza

‘Ndibvire kumhepo, ndava nemumwe’

Milcah Nhakura
MUDZIMAI wekuEpworth anoti haazi kudya rinopisa nekuda kweaimbove murume wake uyo ari kugara achimutukirira achiti akamurambire chii.

Winfilda Muzoremba akamhan’arira Maxwell Chinoona kudare reHarare Civil Court achiti murume uyu anoenda kumba kwaave kugara nemumwewo murume vachinomufurufusha nekumuudza kuti vadzokerane.

“Changamire, murume uyu andishaisa rugare zvekuti ndave kutotya kuparadzirwa imba yangu nekuti murume wangu wandava naye ave kunditi tangai mapedzerana neaimbova murume wako.

“Anouya kumba kwangu achidaidzira zvinonyadzisira pamwe nekundituka nekuti achiri kuda nezvangu. Anouyazve kubasa kwangu mumugwagwa waChiremba achiparadza musika wangu panova ndipo pane raramo yangu,” anodaro Muzoremba.

Anoenderera mberi achiti, “Ndinokumbirawo kuti amiswe kuuya kumba, kubasa kwangu pamwe nekurambidzwa kundikanganisira nemurume wangu nekuparadza musika wandinawo.”

Chinoona haana kuenda kudare kuti anopewo divi rake.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Muzoremba gwaro rinomudzivirira.