Kwayedza

Ngano : Tsumo nemadimikira namukanya

Mhinduro yesvondo rapera:

Aive madziva, ave mazambuko.

Zvainoreva: Iyi itsumo inotaura zvekushanduka kunoita zvinhu. Dziva inzvimbo ine mvura zhinji uye yakadzika zvekuti hariyambukike nyore. Dzimwe nguva dziva rinogona kuita makarwe. Asi nekufamba kwenguva, chinhu chakanga chisingajairike, uye chichityisa chinenge chisisatyise. Vanhu vanenge vave kutoshandisa paimbove nedziva senzvimbo yekuyambuka nayo.

Zvekuita: Zita rekuti gango rakabva pachiito chekuti kukanga. Ko zita rekuti zambuko rakabva pachiito chipi?

Mhinduro: kuyambuka

Svondo rino:

Uswa hwenyati ndehuri pamuromo, huri mudumbu inofa nahwo.

Zvainoreva: Usavimbe nezvausina. Vimba nechaunoziva kuti ndechako, uye chauinacho.  Kufanana nehuswa huri pamuromo husati hwamedzwa, haufanane nehuswa hwatove mudumbu.

Zvekuita: Kudya huswa kunoitwa nemombe kana nemhuka kunonzi kuita sei?

* * *

Mhinduro svondo rinouya.

. Tumirai mhinduro panhare dzinoti: 0714 200 007