Kwayedza

Ngwarirai zvirwere muzvirimwa: ZFU

Chibage chine chirwere chegrey leaf spot

Kingstone Mapupu

SANGANO reZimbabwe Farmers Union (ZFU) rinoyambira varimi kuti vangwarire zvirwere zvinobata zvirimwa munguva ino yeZhizha izvo zvinogona kudzikisa goho ravo zvakanyanya kana vakasazvirwisa.

VaPaul Zakariya, avo vanova executive director wesangano iri, vanoti mvura iri kunaya yakawanda panguva ino inogona kukonzera kunyuka kwezvirwere muzvirimwa.

Vanoti inyaya inofadza kuti mvura iri kunaya zvakanaka uyewo zvirimwa zvizhinji zvakura apo zvimwe zvave kutotumbuka.

“Tinotenda Mwari, mvura iri kunaya zvakanaka kumatunhu ose enyika zvisinei nekuti kune dzimwe nzvimbo iri kuwandisa. Kana chiri chibage, chakawanda chadarika mumabvi kuvarimi vakatanga kudyara icho chava kutumbuka. Saka ikurudziro yedu kuti vafambe muminda vachitarisa zvirwere zvingangobata zvirimwa zvavo.

“Tine zvirwere zvinosanganisira black spot negrey leaf spot, kungava kuchibage kana kumadomasi uye tine inonzi stripe rust, yellow leaf spot, makonye anowanikwa zvikuru munguva yekunaya kwemvura achidya mashizha kana midzi yezvirimwa,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kana mvura ichinaya, zvirwere muzvirimwa zvinowandawo.

“Tinokurudzira varimi kushanda nevarimisi vedu nguva dzose totaurirwa zvakanaka zvekuita uyewo ngatifambei muminda, ingava yechibage, nzungu kana zvimwe nekuti tikamirira kumicheto kweminda hatikwanise kuona dambudziko ririmo,” vanodaro.

VaZakariya vanokurudzirawo kuti varimi vakurumidze kuisa fetereza yepamusoro muzvirimwa vachitora mukana wemvura iri kunaya iyi.

Vanoti mvura iri kunaya iyi yakanakawo kuishandisa mukurima mbambaira nezvimwewo zvirimwa zvinodyarwa mumwedzi waNdira naKukadzi.

“Mwaka wedu unoratidza kunaka zvikuru saka tinoda kuti tishandise mvura iyi tichimwayawo mishonga yekuuraya sora kuti tisarwadziwe nekusakura,” vanodaro VaZakariya.