Kwayedza

Nhanganyaya yerondedzero

Ticha Danga —
KUNYORA rondedzero haisi nyaya yekungoisa mazwi papepa bedzi woti washanda asi kuti zvinoda hutsanzi (creativity). Izvi zvinoonekwa kubva kumavambo erondedzero apo munyori anotarisirwa kuparura rondedzero yake nenhanganyaya.

Nhanganyaya ndicho chikamu chekutanga apo munyori anofanirwa kunanga kwakatarisa nyaya yake naizvozvo nhanganyaya inofanirwa kuputsa musoro wenyaya ichiuwaridza pachena.

Nhanganyaya iyi ngainyorwe muchidimbu kwete kubva yakohweredza rondedzero yose. Iyi ingori nzwisa yenyaya ichatevera. Ngaive neukama nemusoro wenyaya.

Zvinokurudzirwa kuti nhanganyaya itokonye pfungwa dzemuverengi igomusiya ava nechidakadaka chekuda kuziva kuti chii chakazotora nzvimbo.

Iyoyi nhanganyaya inonyorwa nepakasiyana.

Vamwe vane ndyaringo dzekutanga netsumo nekuti tsumo dzakadzama uye dzinobata mbariro dzepfungwa. Munyori anenge achiedza kuzviburitsa murudhende rwavamwe vose kuti rondedzero yake igokohwa kudarika vamwe vose.

Rondedzero ine musoro wenyaya wakaita sokuti “Zuva randisingakanganwi” inogona kurerekera muchiitiko chinosuwisa nokudaro kana tichida kuita nhanganyaya netsumo tinofanirwa kutsvagawo tsumo dzine mutsindo dzinovhundutsirawo sekuti, “Rakange rabvapo pamba bere kubvunza deke kuti unorarirei muzuva. Mudzimu wakange wandipa chironda kuti nhunzi dzigondidya. Zvandakaitwa naMairosi kwaiva kusasikirwa ura pachitsiga”.

Mavambo akadai anopa muverengi nemukwenyi webasa mufananidzo wezvichauya kumberi.

Nhanganyaya zvakare dzinogona kunyorwa kuchishandiswa madimikira zvichienderana nehutsanzi hwemunhu. Madimikira aya anoda munhu anoziva zvaanoreva nekugona kuashandisa muzvirevo zvizere.

Tinogona kunyora sezvizvi, “Kuita kwaVaHarunavamwe havana kuziva kuti kwaiva kukurudzira bofu nemhururu. Vakazongoti chamuka inyama sezvo vakange vaona kuti vapinda munataisireva. Vakazongobvura-bvura nyaya vachiedza kubura munhu mumoto sezvo zvinhu zvakanga zvava manyama amire nerongo.”

Mavambo anogona zvakare kuitwa pachishandiswa nyaudzosingwi dzinobva dzaratidza maitikiro chaiwo akaita zvinhu uye zvinobva zvanakidza nekutapira. Terera unzwe kutapira kunobva kwaita mutauro.

“Akachinzi shwe chematsenganzungu ndiye pasi njanjandara, chikuruva chikabva chati pwititi. Akada kuti barabada ndokunzi banga tindindi muhudyu ndiye mukabika idyai.”

Dzimwe nhanganyaya dzinokora pachishandiswa fananidzo.

Fananidzo dzinoita zvakare kuti muverengi aumbe mufananidzo wezvaari kunzwa mukuverenga kwaanenge achiita.

Tinogona kushandisa fananidzo sekudai, “Akasvika achifemera mugotsi sendere achingocheuka-cheuka sehoromba yegudo yadzingwa pachiro. Ziya raierera sekakova Mutorahuku ndokutanga kuzvishingisa iwo mazitanda emaoko akarembedzwa kunge nhungo dzendyanga yechibage.”

Kana hutsanzi hwezvirungamutauro hwaramba kutamba, nhanganyaya inogona kunyorwa kuchishandiswa mamiriro ekunze chaiwo sekuti; “Kunze kwakafuma kwakati tiba nemakore karusakasaka kerupfunhambuya kachibvunza mutupo. Mhute yaimonera zvikomo kunze kuchiratidza kutsamwa kwete zvejee.”

Kana wapedza nhanganyaya wava kupinda mumutumbi wako werondedzero.

Mumutumbi ndimo munobuda nyaya yose yakaitika.

Ndimo munoitwa madanha ekurunga mutauro. Mukurudunura mutauro imomo munoda kuonekwa zviperengo zvakanaka nekuti kushata kwezviperengo kunodonhedza goho zvikuru.

Munotarisirwa zvakare kuve nesungawirirano yemazwi muzvirevo yakatwasuka. Tinoda zvakare pfekedzo yakanaka uye runyoro rwunoverengeka.

Kana zvikamu zvinovaka mutumbi zvakwana ngapachinyorwa mhedziso, iyo inomoneredza madanha ose anga achiitwa nezvirevo zvishoma muchiShona chakarukwa kunge ngunde yerwodzi rwemupfuti.