Kwayedza

Nyama yetsuro ine dovi

Nyama yetsuro inonaka zvikuru uye ine mapuroteni ayo anokosha kumuviri. Svondo rino, Mai Diana Garukaru vekuMufakose, muHarare, vanotsanangura mabikirwo enyama iyi.

Zvinodiwa:

Nyama yetsuro yakasasikwa, chikari kana kuti poto, chipunu, hanyanisi, matomatisi, munyu, mafuta nedovi.

Mabikiro:

Cheka nyama kuiita zvidimbu.

Geza matomatisi nehanyanisi uchekerere.

Gadza poto pamoto woisa mvura uye kana yafashaira chigeza nyama nhindi imwe neimwe uchiisa mupoto.

Tora matomatisi nehanyanisi woisa.

Kwidibirai usiye zvichikwata kweawa rimwe chete.

Isai dovi nemunyu wakaringana wosiya zvichikwata kwemaminitsi mashanu.

Nyama yetsuro kudya kunokurudzirwa nevezveutano uye inogona kudyiwa nesadza rezviyo, remhunga, remapfunde, jena kana mupunga nemanhuchu.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281