Kwayedza

Nyanduri osimudza mureza weZim

Takudzwa 'VaChikepe the Poet' Chikepe

PREMIUM

Abel Ndooka

NYANDURI ane mukurumbira arizve muimbi —Takudzwa Chikepe — okurudzira vamwe vanyori vemabhuku nenhetembo kuti vashande nesimba kuitira kuti vagowana mukana wekutenderera pasi rose vachiita mabasa avo izvo zvinosimudzira mureza weZimbabwe.

VaChikepe the Poet, sekunyanya kuzivikanwa kwaanoitwa, mumwe wavananyanduri kubva muno avo vakwanisa kuwana mukana wekuenda kunyika dzakasiyana pasi rese nekuda kwekunyora nhetembo.

Nekuda kwenhetembo, Chikepe ahwina mibairo inosanganisira International Reggae and World Music Winning Poet 2021.

Anoti kune mikana yakawanda yakamirira vananyanduri kunze kwenyika asi hunge kana vakazvipira kushanda nesimba vachinyatsodzikamisa pfungwa dzavo mukunyora nhetembo dzinokodza mwoyo yeveruzhinji.

“Kana uri nyanduri, uri munhu akapihwa chipo naMwari chekuona zvinhu zvakadzama zvakatosiyana nevamwe vanhu vese. Saka nekuda kweizvozvo, shandisa chipo chako ugobatsira kushandura hupenyu hwevam...

Please subscribe to view this content.