Kwayedza

Nyaya yezvigunwe inhema: Paradza

Cde Paradza

Tandayi Motsi

MUTEVEDZERI wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko Cde Kindness Paradza, vashanyira nzvimbo yeXimex Mall iri muguta reHarare zvichitevera nyaya iri kutenderera padandemutande resocal media inoti kune vamwe vanoshandira panzvimbo ine mukurumbira iyi vari kuita basa rekutenga zvigunwe zvevanhu.

Vachitaura vari panzvimbo iyi, Cde Paradza vanoti ongororo yaitwa neHurumende inoratidza kuti mashoko aya ndeemanyepo.

“Isu seHurumende takaita tsvakurudzo nekuona kuti nyaya iyi yakamira sei. Nyaya iyi hakuna zvakadaro, vanhu vaye vesocial media vari kungotsvaga kuti vasvibise nyika ino uye vachisvibisa vagari vemunyika yedu zavo vari kuita basa ravo zvakanaka pasina kana dambudziko,” vanodaro.

Cde Paradza vanoyambira veruzhinji kuti imhosva kufambisa mashoko emanyepo pasocial media.

“Zvino vanhu vari kudaro ava ndinoda kuvayambira kuti imhosva kutumira mashoko akadaro pasocial media, enhama akadaro, anokanganisa nyika. Idambudziko iroro, saka tichavasunga vanhu ivavo, vanosungwa nezvavari kuita izvi,” vanodaro.

Nyaya yekunzi pane vamwe vanhu vari kuita basa rekutenga zvigunwe paXimex Mall yatekeshera zvikuru munyika muno nekunze.

Vanhu vanoita mabasa akasiyana panzvimbo iyi vari kudya magaka mambishi nekuda kwenyaya iyi zvichitevera mashoko akataurwa nemumwe wavo – David Kaseke – uyo anozivikanwa nezita remadunhurirwa rekuti Zhula, apo akatsinhira kuti iye mumwe wevamiririri vevari kutenga zvigunwe.

Zvisinei, Zhula ave kusandura mashoko ake achiti akanga adhakwa zvikuru nedoro apo akabvuma kuti mumwe wevamiririri vari kutenga zvigunwe, iye ndokubvuma.

“Handina kumbofunga kuti vhidhiyo iyi yaizoburitswa pasocial media. Ndinofungidzira kuti ndakanga ndakadhakwa nedoro zvakanyanyisa uye hazvina kumbouya mupfungwa dzangu kuti vatori venhau vanogara vachiita basa sebasa.

“Ndakave nenguva yakaoma nezuro (Chipiri), mushure mekunge vhidhiyo yacho yapararira, uye ndinoda kukumbira ruregerero kune vamwe vangu nekubvuma kutaura zvandakataura pakamera,” anodaro Zhula.