Kwayedza

O-LEVEL: Rondedzero yemufananidzo

Munyaradzi Gunduza
SVONDO rino tichaita chidzidzo chiri maererano nekunyora rondedzero inobva pamufananidzo. Rondedzero yemhando iyi yavepo paNew Curriculum uye unofanira kunge uchiziva manyorerwo ayo.

Muchasiirwa basa rekuita iro munofanira kutumira mhinduro dzenyu dzamunofunga kuti ndidzo dzinopindura mibvunzo iyi zvakanaka. Vana vechikoro chete kubva pafomu 1 kusvika 4 ndimi mune kodzero yekutumira. Unofanira kunyora zita rako, zita rechikoro chaunodzidza, fomu yauri, nhare dzako nekwaunogara.

Tumirai mhinduro dzenyu panhare dzeKwayedza dzinoti 0714 200 007 kana 0772 491827 kana email inoti phillipa.chinhoi@zimpapers.co.zw

Rondedzero yemufananidzo
Kune mhando yerondedzero yaunogona kunzi unyore ichibva pamufananidzo. Dzimwe nguva unenge wakatarwa, kutorwa sezvauri kana katuni. Chinenge chakakosha zvakanyanya kuti uburitse dingindira riri pamufananidzo wacho wozoenda mberi uchitsvaga pfungwa dzinodudzirwa nemufananidzo wacho.

Kazhinji rondedzero dzemifananidzo dzinonyorwa uchishandisa ruzivo rwako rwaunenge wagara unarwo asi rwuchienderana nezvinenge zviri pamufananidzo waunenge wapihwa.

Rondedzero yemufananidzo yakareruka pakuti inodzora ndangariro maererano nezvimwe zvinhu zvaunenge wagara uchiziva.

vakangofanana nokuti ukabata mufananidzo wawakatorwa neshamwari kana hama yako mushure menguva refu, unogona kutanga kufunga zvamaiita panguva yacho iyoyo, zvingave zvinofadza kana kusuwisa. Zvinobva zvabuda pachena kuti mifananidzo inodenha ndangariro naizvozvo pakunyora rondedzero dzemifananidzo zvimwe chete. Nyatsoongorora mufananidzo unotevera ugonyora rondedzero uchitevera mimwe mirairo yauchapihwa.

Wakatarisa mufananidzo uyu, chekutanga zvibvunze kuti uri pamusoro pei. Ukaona waziva kuti unobata nyaya yei unenge wave nepokutangira.

Chepiri tanga nekunyora nhanganyaya inodudzira mamiriro emufananidzo waunenge wakapihwa. Chetatu chitanga kunyora mutumbi werondedzero yako asi uchitanga neruzivo rwuri pachena rwunenge rwuchipihwa nemufananidzo uchidzika kuenda kune zvinenge zvisiri pamufananidzo asi zvichizivikanwa maererano nezvemufananidzo wacho.

Pakunyora kwose kwaunenge uchiita unofanirawo kushandisa zvirungamutauro pamwe chete nekungwarira mhosho dzekunyora ChiShona chakanaka dzakaita sezviperengo, batanidzo nepatsanuro yemazwi, nezvimwewo.

Parondedzero yemufananidzo unokwanisa kuruka nyaya kana hurukuro chaiyo asi zvinofanira kunge zvichienderana nemufananidzo wacho.

Basa rokuita
Nyora rondedzero inoenderana nemufananidzo wawapihwa pamusoro. [50]

Mhinduro dzenyu dzese dzamunotumira dzinenge dziri dzacho tichadziburitsa svondo rinouya pamwechete nemhinduro dzinenge dzichitarisirwa.