Kwayedza

Odudunya mari yepejeni mukadzi achikwangwaya

Courtney Munodawafa

SAMUSHA vekudhonzerwa kudare nemudzimai wavo nenyaya yekuvashungurudza vachinzi vanomunyima mari yerendi inobviswa nemaroja pamwe neyepenjeni vakasetsa vanhu apo vakati vachera kakomba vakasvipira pasi uye vapfidza zvekuti havachafa vakazviita zvakare.

Christine Jack akamhan’arira Elliot Mamvura kudare reHarare Civil Court achida gwaro redziviriro.

Mutongi Noah Gwatidzo akapa Jack gwaro rinomudzivirira.

Jack anoti haachadi kuti murume wake auye kumba kwavo nekuti anomushungurudza.

“Murume uyu anondishaisa mufaro. Andigura kunorira, anogara achindituka. Pese pavanouya kubva kubhawa vanondidzinga vachinditi ndiende. Chokwadi nekukura kwandaita munhu ane vazukuru vanondidzinga pamba kunge imbwa? Dai dare randibetsera varegera kusvika pamba,” anodaro.

Jack anoenderera mberi achiti, “Muchivaona baba ivava havadi vazukuru kana vana vavo kumba. Vanovarambidza kuuya, handizive kuti vanoda kuti ndigare ndega kunge muroyi here?

“Havadizve kundichengeta. Mari yavo yepenjeni vanodya vega asi pakatoshandawo chitupa changu kuti ibude mari iyoyo. Yerendi vanodya futi, handizizve kuti mwoyo wavo wakanyanyosviba zvakadii zvekuti vangandidai.”

Mamvura anoti haakwanise kubva pamba nekuti imba yacho ndeyavo vese.

“Handirove mukadzi wangu, ndomudisa zvakapfurikidza ini. Vazukuru ndovada ngavauye zvavo kumba, ndazvikanda mubhini handichazviite futi. Ndoda kugara zvakanaka nemhuri yangu tiri pamwe chete,” anodaro apo vanhu vaive mudare vanobva vati bvuu kuseka.

Mamvura anoti kubva iye zvino azvipira kuchengeta mudzimai wake.

“Kubva nhasi ndave kuchengeta mukadzi. Kana mari yepenjeni yakauya nhasi ndovapa yese vanotora havo, ndovachengeta. Mudzimai wangu ndomuda, handichaita zvaari kutaura. Kana mari yerendi yacho ndichavapa tidye tese,” anodaro.