Kwayedza

Oimbira kuti Covid ipere

Huwandu hwevanhu vari kuwanikwa vaine chirwere cheCovid-19 kana vari kufa huri kuramba huchidzikira nekuda kwematanho akasimba ari kutorwa neHurumende ekurwisa kupararira kwechirwere ichi.

Kingstone Mapupu

MUIMBI wechidiki wemusambo wechitendero anogara muguta reHarare ava kurwisa chirwere cheCovid-19 nenziyo dzake.

Exaviour Marungisa (25), uyo anogara kuSouthlands asi kumusha achibva kuRushinga, anoti akaona zvakakodzera kurwisa denda iri nenziyo dzaanoimba.

“Ndakabura dambarefu rangu rekutanga tiri mukati mekurwadziwa nedenda reCovid-19 ndokuisa nziyo mbiri padambarefu iri dzine chekuita nechirwere ichochi,” anodaro Marungisa.

Muchinda uyu anoimba nechikwata cheThe Servants of Christ icho chakaumbwa mugore ra2019.

“Dambarefu rangu rekutanga rinonzi Ramba Nhamo iro rine nziyo ina dzinoti Ramba Nhamo, Kurwa NdekwaMwari, Ndichakubatsira naNemabvi Nemagokora. Mukati menziyo idzi, mbiri dzacho – Nemabvi Nemagokora naKurwa NdekwaMwari – dziri pamusoro pechirwere cheCovid-19,” anodaro Marungisa.

Anoti munziyo idzi anoburitsa pachena kuti Mwari chete ndivo vanokwanisa kuita kuti vanhu vakunde Covid-19 kuburikidza neminyengetero uyewo nekutevedzera matanho aripo ekurwisa kupararira kwechirwere ichi ayo anosanganisira kuti veruzhinji vagare vakapfeka mamasiki nekuti vasaite chitsokotsoko.

Marungisa anoti pari zvino ari mushishi kukwenenzvera dambarefu rake rechipiri rine dzimwe nziyo dziri pamusoro peCovid-19.

“Dambarefu iri rine nziyo nomwe dzinoti Ngaavongwe, Magaka Anovava, Ndichava Iye Wandichava, Jesu Ndichangamire, Bye Bye Pharoah, Kuungudza naMweya Wangu. Mukati menziyo idzi mune dzinotaura nezvedenda reCovid-19 dzinosanganisira Magaka Anovava naKuungudza,” anodaro.

Marungisa anoti mukambo Magaka Anovava anotsanangura kurwadziswa kuri kuitwa vanhu neCovid-19 kuburikidza nekurwarirwa uye kufirwa nehama neshamwari izvo anofananidza nekudya magaka anovava.