Kwayedza

Onangwa huroyi nemudzimai

Ashley Muchamiri
MURUME samusha wekugara achitukirirwa neaimbova mudzimai wake nekupumhwa huroyi pamwe chete nehama dzake anoti haachadi nezvemukadzi uyu kunyangwe zvikaita sei.

David Chikanga akamhan’arira Memory Shunye kuHarare Civil Court achitsvaga kudzivirirwa.
“Mudzimai uyu anondishungurudza uyezve anofonera hama dzangu achidzitukirira kuti vanoroya,” anodaro.
Chikanga anoti akarambana naShunye mushure mekunge amubatikidza aine chikomba.

“Akaenda kumusha kwangu mushure mekunge tarambana akanobvisa muzukuru aigarako, ndokumisa zvekurima zvaiitwa ikoko. Handichamude, anouya kubasa kwangu achinditukirira izvo zvave kudzosera basa rangu kumashure,” anodaro.
Shunye haana kuenda kudare kuti anopawo divi rake.
Mutongi Tafadzwa Miti akapa Chikanga gwaro redziviriro.