Kwayedza

Ongororo yezvirimwa yoitwa


Kingstone Mapupu

NYANZVI dzinoona nezvekurima kuchikamu cheArex kuMashonaland Central dziri mubishi kutenderera dunhu rose iri dzichiongorora kutandavara kwakaita minda yakarimwa mwaka uno pamwe nehuwandu hwezvipfuyo nedonzvo rekuona mamiriro ezvinhu izvo zvinozobatsira muhurongwa hwekusimudzira mabasa ekurima.
Murimisi mukuru mudunhu reMashonaland Central (Provincial Agronomist), VaIzah Jaidi, vanoti ongororo iyi yakakosha zvikuru sezvo ichiita kuti vazive matambudziko ari kusangana nevarimi mubasa ravo.

“Kuno kuMashonaland Central nyanzvi dzedu dziri kufamba dzichiona minda yedu nezvirimwa zvakarimwa uyewo nekuti zvipfuyo zvedu zvakawanda zvakadii. Ichi chirongwa chiri kuitwa munyika yose mupurovhinzi yoga-yoga,” vakadaro VaJaidi.

Vanoti pari zvino mamiriro akaita zvirimwa pamwe nezvipfuyo akanaka zvikuru sezvo mvura iri kunaya zvakaringana.

“Itarisiro yedu kuti tine goho rakanaka mwaka uno, makonye akanga amboda kupinda muno erudzi rweArmworm asi takabatsirwa neHurumende tikapihwa mishonga yekuauraya,” vakadaro.