Kwayedza

Orova mukadzi akamusunga

court

Gamuchirai Muzanenhamu —
MURUME wekuroora mudzimai anoshanda kubazi reCentral Intelligence Organisation (CIO) anoti ava kuzvidemba achiti ari kushandisa basa rake kugara achimusungisa nekumutyisidzira apo vanenge vanetsana mumba mavo. Zvisinei, mukadzi uyu anoramba zvekuti anoshandisira murume wake masimba ekubasa achiti iye murume uyu ndiye anotomurova akamusunga. Munyaradzi Mutandiro akamhan’arira Lorna Musatinyozi kudare reHarare Civil Court achiti ari kumuonesa pfumvu zvose naamai vake.

“Mudzimai uyu ari kuuya kumba kwandinogara nevabereki vangu achitukirira ini naamai vangu uye kana ani zvake waanenge aona aripo. Ari kushandisa simba rake rekubasa kwake kuCIO achindirarisa muchitokisi pasina mhosva yandapara.

“Musi wandamupa magwaro ekuti auye kuno kudare, ndakatozorara kumapurisa andinyepera kuti ndamurova. Zvino handichada hangu zvekushungurudzwa, ngaagare kubasa kwake nekuti haachade kugara nesu,” anodaro Mutandiro.

Achipawo divi rake, Musatinyozi anoti zvose zviri kutaurwa naMutandiro manyepo.

Mutongi Larzin Ncube akarasa chikumbiro chaMutandiro achiti hapana umboo hunoratidza kuti ari kushungurudzwa.