Kwayedza

PANE NYAYA

SVONDO rega-rega vana vechikoro nezvikoro zvenyu munogona kuzvihwinira bhuku raIgnatius T. Mabasa rinonzi IMBWA YEMUNHU.
Chamunongoita bedzi, kupedzisa kunyora nyaya yamaparurirwa pazasi iyi.
Nyaya inenge yakunda dzimwe pasvondo ndiyo inowana mubayiro wemwana newechikoro chake.
Nyaya yacho ngairebe mazwi zana nemakumi mashanu chete (150), kwete kudarika kana kuita pfupi.
Tumira nyaya yako kuMupepeti pae-mail inoti: kwayedza@zimpapers.co.zw kana kuunza kumahofisi eKwayedza ari paHerald House muHarare, kuManica Post kwaMutare kana kuChronicle House kuBulawayo wakanyora kuti “Pane nyaya”, uchitaura zita rako, makore ako nezita rechikoro. Unenge watohwina iwe nechikoro chako! Svondo rino pedzisa nyaya yawatangirwa iyi:

BENZI RAPINDA MUMBA

Sekuru, kurumidzai kuuya kuno. Pane benzi riri kurambira mumba medu.