Kwayedza

Pivac ave panyanga

WAYNE Pivac ndiye akasarudzwa kuti azotsive Warren Gatland semurairidzi weWales gore rinotevera pachapera mutambo weWorld Cup.

Pivac ange achiita basa rimwe chete kuScarlets kubva mugore ra2014 izvo zvakamuona achiitungamirira kuhwina mukombe weGuinness PRO12 zvikabatsira chikwata chake kupinda musemi-fainari yeChampions Cup mumwaka mumwe chete uyu.

Shasha iyi – iyo yaimbove mupurisa kunyika yake yeNew Zealand – akakunda vamwe vanoti Dave Rennie naScott Robinson kupinda pachigaro ichi icho chichazosiiwa naGatland gore rinotevera pachapera mutambo weWorld 2019 Japan. Pivac acharamba achitungamirira maScarlets kusvika kupera kwemwaka we2018-19

Achazove pasi peWRU muna Chikunguru 2019, Gatland apedza kutungamira Wales kuWorld Cup. — SportMails rugby