Kwayedza

Portugal yadzinga Santos wekunetsana naCR7

Fernando Santos ari kuruboshwe achizevezera Cristiano Ronaldo

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wePortugal, Fernando Santos, aita wechisere kudzingwa basa kuWorld Cup zvichitevera kuburitswa kwakaita nyika iyi mumutambo uyu neMorocco.

Chinyorwa chakabva kuFootball Association of Portugal chinoti: “Changa chiri chiremerera kuve nemurairidzi akaita saFernando Santos achirairidza nyika yedu.

“FPF inotenda Fernando Santos nechikwata chake nebasa ravakabata mumakore masere uye tine kutenda kwakadzika kunobva kuzvizvarwa zvePortugal. FPF yatanga basa rekutsvaga murairidzi mutsva wenyika yedu.”

Santos ange arairidza Portugal kwemakore masere uye akaita wekutanga kuhwina mukombe mukuru apo akatungamira Portugal kutora European Championship mugore ra2016.

Akazotungamira zvakare chikwata ichi kuhwina mukombe weUEFA Nations League muna2019.

Ari kuWorld Cup kuQatar, Santos anonzi akatsamwisana naCristiano Ronaldo izvo zvakamuona achisiya mutambi uyu mumutambo wavo weRound of 16 neSwitzerland uyo vakahwina 6-1.

Vamwe varairidzi vakadzingwa basa kana kusiya vachangobva kuWorld Cup vanosanganisira Gerardo ‘Tata’ Martino weMexico, Tite (Brazil), Luis Enrique (Spain), Otto Addo (Ghana), Roberto Martinez (Belgium), Louis van Gaal (Netherlands) naPaulo Bento (Korea Republic).