Kwayedza

Rurimi rwemombe kunaka!

NYAMA yerurimi rwemombe mudya ndakasungwa kana ichinge yabikwa zvine unyanzvi uye inonzi yakakosha kuutano hwemhuri sezvo iine kudya kunovaka muviri semapuroteni.

Svondo rino Mai Rumbidzai Mbizi vekuGokwe vanotitsanangurira mabikirwo erurimi rwemombe.

Zvinodiwa:

Rurimi rwemombe, garlic, munyu, mafuta matomatisi nehanyanisi.

Mabikiro?

Fashaidza rurimi rwemombe muchikari kwemaawa angaita maviri.

Ita izvi uchishandisa moto wakaderera.

Kana rwuchinge rwaratidza kupfava, bura ubvise rukanda rwekunze rwese.

Geza rurimi wocheka muzvidimbu zvakafanira.

Fashaidza nyama iyoyo zvakare kwemaminitsi makumi maviri.

Isa chidimbu chechipunu chegarlic nemunyu wakaringana.

Kana rwuchinge rwaibva, chibura ukange nemafuta mashoma kusvika rwatsvukira.

Gadzira muto parutivi kuburikidza nekukanga hanyanisi nematomatisi woisa godzamuto.

Wozodii?

Kana zvadai, chibura unakirwe nemhuri.

Usavi uhu hunogona kudyiwa nesadza jena, rezviyo, remhunga kana mupunga.