Kwayedza

Seed Co yoshaina kuLowveld

VaSimba Gotosa, Seed Co Eastern Region manager (kuruboshwe), vachitsanangurira VaMudzingwa (vari pedyo navo) nezvembeu dzeSeed Co.

Bright Musakanda

AIVA makuwerere kuLowveld Agricultural Show, kuChiredzi nemusi wa30 na31 Nyamavhuvhu. Nyanzvi dzekurima nevemakambani anoshanda nevarimi vakokoromoka vachinopemberera nekukwikwidzana pashoo yehurudza iyi.

Makwikwi aya akarongwa neLowveld Show Society, Agritex pamwe chete nevarimi.

VaMurindagomo, avo vanova Lowveld Show Society administrator vakatenda vemakambani pamwe chete nevarimi vakauya kuzotsigira nekukwikwidza pashoo iyi.

Muenzi mukuru pagungano iri aiva VaMajatame, mukuru weChiredzi Rural District Council, avo vakakurudzira varimi kuti varambe vachiuya kushoo nekuti ndizvo zvinopa shungu kuburikidza nekuona mbeu dzinenge dzakarimwa nevamwe uye kupanana ruzivo panhau dzekurima.

Seed Co ndiyo yakasimudza mukombe pamakwikwi emakambani anoita zvekuuchika mbeu. VaBright Musakanda (Seed Co sales agronomists) vakakurudzira varimi kuti varime mbeu dzeSeed Co dzakaita seSC 301, SC 403, SC 513 kana SC 529 kudunhu reChiredzi nekuti dzinoshingirira muzuva uye dzichikurumidza kuibva.

l Bright Musakanda murimisi we Seed Co kuMasvingo uye anobatika pa0777 306 020 kana 0713 306 020.